More
    HomeChaminukaChando chowedzera kuMarondera

    Chando chowedzera kuMarondera

    Published on

    spot_img

    NaAgness Chaya

    Marondera: Muvhiki rapera, guta reMarondera iro rinozivikwana kwazvo nenyaya dzekutonhora rakadzika midzi apo vanhu vazhinji vaka kwarakwata kutsvaga nhumbi ndinodziya kudzivirira chando.

    Vakuru vakataura vakati charova sei chando chakwidza hamba mumuti hamawe kutaurirwa hunyimwa hamba yakada makwati.

    Kwanga kusina kumira zvakanaka kuMarondera apo munhu wese akademba nacho chando chaiita zveku pfunhirira nguva ndemagwanani nekumanheru.

    Vana amai vaichema vachityira pwere dzavo dzaimukira kuzvikoro rungwanani vachiti dai zvaibvira vakuru vezvikoro vachinja nguva dzekuti vana vatange kupinda kuchikoro sezvo mamiriro ekunze akanga asina kumira zvakanaka. Vamwe vaidemba kuti zvimwe zvezvikoro hazvibvumiri kuti vana vasapfeka majasi asiri epachikoro nekuti zvinokanganisa chipfeko chavo chechikoro.

    Vamwe vabereki vaichema vachiti panguva yakadai dai zvikoro zvevadiki zvaibvumira kuti vana vadiki vapfeke nhumbi dzimwe dzinodziya sezvo pwere dzavo dzinotonorwa sezvo mbiri ye chando muMarondera inozivikanwa. Chando ichi change chichi kanganisawo nevakuru.

    Vamwe vakanzwikwa chema-chema vachiti unoita sekunge uchabuda mumba usina kugeza uchienda kubasa nekuti kunze kwatonhora zvisingaite.

    Vagari vepaBovey Tracy Farm panova ndipo pachikoro cheBernard Mizeki College voti izvo kana pavhiki rakaitwa mhemberero yeShrine hakuna kutonhora kwezvaita vhiki rino. Mumwe murairidzi vepachikoro ichi akakurudzira vabereki kuti vape vana vawo nhumbi pamwe nema juzu zvinodziya sezvo kutonhora uku kwakanyanya mangwanani nemanheru.

    Murairidzi uyu waityira kuti vana vanozobata chirwere chedzihwa nechikosoro. Varimiwo veminda mirefu yakatenderedza Bernard Mizeki vaichema zvekara ne chando ichi vachiti mbesa dzavo dzaigona kurohwa ne chando zikatadza kubuda pamwe nekutyira kusawanikwa kwemvura mumatsime. Asika, kuipa kwechimwe kunaka kwezvimwe.

    Vamwe ndivo vaifara zvawo vachiti kana vasikana vohusiku vanomira munzira havachaoneke nekuti mamiriro ekunze aya akanga asingatenderi vanhu kuti vatandare munzira zvemhando vachitsvaga vekutandara navo sezvo ivo vacho vaigona kufuma vakafa nacho chando ichi.

    Latest articles

    Warrant of arrest for Gwanda man who killed wife for denying his conjugal rights

    Bulawayo, (New Ziana)-The Bulawayo High Court has issued a warrant of arrest for a...

    Parliament pushes for decentralization of cancer treatment

    Harare,  (New Ziana)-The Parliamentary Portfolio Committee on Health and Child Care has called for...

    Bulawayo to take hard stance on stray dogs

    Bulawayo, February 14,2025(New Ziana)- The Bulawayo City Council (BCC) has issued a stern warning...

    No longer business as usual: Improved feeds transforming livestock production in Zimbabwe

    By Johnson Siamachira Harare, (New Ziana) — At dawn, the sun casts its first golden...

    More like this

    Warrant of arrest for Gwanda man who killed wife for denying his conjugal rights

    Bulawayo, (New Ziana)-The Bulawayo High Court has issued a warrant of arrest for a...

    Parliament pushes for decentralization of cancer treatment

    Harare,  (New Ziana)-The Parliamentary Portfolio Committee on Health and Child Care has called for...

    Bulawayo to take hard stance on stray dogs

    Bulawayo, February 14,2025(New Ziana)- The Bulawayo City Council (BCC) has issued a stern warning...