NaAgness Chaya
Marondera: Muvhiki rapera, guta reMarondera iro rinozivikwana kwazvo nenyaya dzekutonhora rakadzika midzi apo vanhu vazhinji vaka kwarakwata kutsvaga nhumbi ndinodziya kudzivirira chando.
Vakuru vakataura vakati charova sei chando chakwidza hamba mumuti hamawe kutaurirwa hunyimwa hamba yakada makwati.
Kwanga kusina kumira zvakanaka kuMarondera apo munhu wese akademba nacho chando chaiita zveku pfunhirira nguva ndemagwanani nekumanheru.
Vana amai vaichema vachityira pwere dzavo dzaimukira kuzvikoro rungwanani vachiti dai zvaibvira vakuru vezvikoro vachinja nguva dzekuti vana vatange kupinda kuchikoro sezvo mamiriro ekunze akanga asina kumira zvakanaka. Vamwe vaidemba kuti zvimwe zvezvikoro hazvibvumiri kuti vana vasapfeka majasi asiri epachikoro nekuti zvinokanganisa chipfeko chavo chechikoro.
Vamwe vabereki vaichema vachiti panguva yakadai dai zvikoro zvevadiki zvaibvumira kuti vana vadiki vapfeke nhumbi dzimwe dzinodziya sezvo pwere dzavo dzinotonorwa sezvo mbiri ye chando muMarondera inozivikanwa. Chando ichi change chichi kanganisawo nevakuru.
Vamwe vakanzwikwa chema-chema vachiti unoita sekunge uchabuda mumba usina kugeza uchienda kubasa nekuti kunze kwatonhora zvisingaite.
Vagari vepaBovey Tracy Farm panova ndipo pachikoro cheBernard Mizeki College voti izvo kana pavhiki rakaitwa mhemberero yeShrine hakuna kutonhora kwezvaita vhiki rino. Mumwe murairidzi vepachikoro ichi akakurudzira vabereki kuti vape vana vawo nhumbi pamwe nema juzu zvinodziya sezvo kutonhora uku kwakanyanya mangwanani nemanheru.
Murairidzi uyu waityira kuti vana vanozobata chirwere chedzihwa nechikosoro. Varimiwo veminda mirefu yakatenderedza Bernard Mizeki vaichema zvekara ne chando ichi vachiti mbesa dzavo dzaigona kurohwa ne chando zikatadza kubuda pamwe nekutyira kusawanikwa kwemvura mumatsime. Asika, kuipa kwechimwe kunaka kwezvimwe.
Vamwe ndivo vaifara zvawo vachiti kana vasikana vohusiku vanomira munzira havachaoneke nekuti mamiriro ekunze aya akanga asingatenderi vanhu kuti vatandare munzira zvemhando vachitsvaga vekutandara navo sezvo ivo vacho vaigona kufuma vakafa nacho chando ichi.