More
    HomeAgricultureGorosi richapomhodza nzara munyika: Obert Jiri

    Gorosi richapomhodza nzara munyika: Obert Jiri

    Published on

    spot_img

    NaArchford Chirimudombo

    Munyori mukuru mubazi rezveivhu, kurima, zvemvura pamwe nekusimudzirwa kwenharaunda dzemumaruwa VaObert Jiri gorosi riri mumatura emunyika richabatsira kupombodza nzara panguva iyo nyika yakatarisana nedambudziko renzara zvichitevera kusanaya kwemvura kune muko mumwaka wekurima wafarika.

    Kusanaya kwemvura uku kwakakonzerwa nekushanduka kwemwaka zvinova zvakakonzera kuti zvirimwa, zvikuru sei chibage, chitadze kunyatsosvika zvinova zvichaita kuti goho racho ringe rakaderera.

    President Mnangagwa vakazivisa kuti kusanaya kwakaita mvura idambudziko remunyika uye Hurumende yave kutobatsira mhuri dzakatsarukana kumativi mana enyika nezvekudya.

    Vachitaura nevarimi muMarondera munguva pfupi ichangodarika, VaJiri vakati gorosi ririmo munyika richabatsiridza munhau dzezvekuti vanhu vange vachiwana chikafu sezvo richavhara vende rakasiiwa nekuderera kwehuwandu hwechibage chinotarisirwa kukohwewa munyika.

    Gore rakapera, munyika makarimwa mahekita egorosi anosvika kuzviuru makumi mapfumbamwe kukakohwewa mametric tonnes anosvika kuzviuru mazana mana ane makumi matatu nemashanu (465 000).

    VaJiri vakati: “Ndinodavira kuti tose tinoziva kuti chibage chedu chakavhiringidzwa nekusanaya kwakaita mvura zvakanaka mumwaka wadarika asi hatifanirwe kunyanyokahadzika zvedu nekuti mumatura edu tine gorosi rakawanda zvikuru. Mumatura medu, gorosi ratiinaro rinosvika kumametric tonnes zviuru mazana maviri (200 000). Nekudaro, tiri kukurudzira kuti tinge tichizorishandisa senzira yekuvhara rimwe vende panguva iyo tisina chibage chinonyatsotikwanira gore rino.

    “Tine zvekudya zvakawanda zvinogona kubikwa kana kugadzirwa negorosi zvakaita sechingwa. Sekureva kwandaita, gorosi redu ratiinaro rinotikwanira senyika nekuda kwekuti mumwaka wekurima gorosi wakadarika, takakohwa pakuru. Tinokwanisazve kudya zvimwe zvirimwa zvidiki zvisinei nemvura yakawanda zvatakakokwa zvinosanganisira zviyo, mapfunde, mhunga nezvimwewo.”

    VaJiri vakaenderera mberi vachikurudzira varimi kuti vange vachikoshesa zvikuru nyaya dzekurimwa kwegorosi.

    “Takatarira mberi, kurima gorosi zvine mutsindo ndihwo hwaro hunogona kuzongoramba huchitibatsira mumakore achatevera kunyangwe tikasangana nedambudziko rekusanaya kwemvura zvakare. Zviri kwatiri kuti tirambe tichirima gorosi zvisinei nematambudziko atinosangana nawo pakuririma. Gorosi rakasiyana nechibage. Harinei nezvekuti mvura haina kunaya zvakanaka nekuti nderemadiridziro uye tine madhamu anochengeta mvura inenge yanaya panguva yacho,” VaJiri vakadaro.

    Pagungano rimwechetero, vakaudza varimi kuti vachazenge vachipihwa mari dzavo dzezvirimwa zvavo zvavakatengesa kuGrain Marketing Board (GMB) mwaka wadarika.

    Vakati: “Taive nechikwereti kuvarimi chaisvika madhora ekuUnited States of America mamiriyoni makumi matatu (US$30 million) asi mumasvondo adarika, takakwanisa kuvabhadhara mari inosvika kumamiriyoni mana nechidimbu emadhora ekuAmerica (US$4.6 million). Bazi rinoona nezvemari nekusimudzirwa kwehupfumi hwenyika rakatsunhura mari iyi kuti tibhadhare zvikwereti zvatiinazvo kubudikidza neGMB.

    “Takatarisirazve kuwana mari inosvika kumadhora ekuUnited States of America mamiriyoni gumi (US$10 million). Nguva dzose, sebazi rezvekurima, tinongoramba tiri kudivi revarimi uye tinoda kuti muwane mari dzenyu nenguva. Tinongorambazve tichiedza nepatinokwanisa kuti matambudziko ose amusnosangana nawo panyaya dzekurima ange achigadziriswa.”

    Mumasvondo akapera, GMB yakazivisa kuti donzvo rayo riri pakuti varimi vose vange vachiwana mari dzavo kana vatengesa zvirimwa zvavo kuitira kuti varambe vachishingaira muminda nechinangwa chekuti nyika yeZimbabwe inge iine kudya kwakakwana nguva dzose.

    Latest articles

    Theft of clinic solar system earns man 4 years in jail

    Harare, (New Ziana) – Leaving a Chinhoyi clinic without power after stealing its solar...

    Bulawayo businessman found dead with cranial gunshot wound in suspected suicide

    Bulawayo, (New Ziana) -Police in Bulawayo are investigating a suspected case of suicide in...

    ZIMRA calls for vigilance in the fight against corruption

    Harare, (New Ziana) – The Zimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) has issued a strong call...

    15 new magistrates sworn in to enhance justice delivery

    Harare, (New Ziana) – In a significant boost to the justice delivery system, 15...

    More like this

    Theft of clinic solar system earns man 4 years in jail

    Harare, (New Ziana) – Leaving a Chinhoyi clinic without power after stealing its solar...

    Bulawayo businessman found dead with cranial gunshot wound in suspected suicide

    Bulawayo, (New Ziana) -Police in Bulawayo are investigating a suspected case of suicide in...

    ZIMRA calls for vigilance in the fight against corruption

    Harare, (New Ziana) – The Zimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) has issued a strong call...