NaHeadrance Viga
MAZOWE – MHURI yekwaMangoro kuMazowe Citrus yakavhunduka zvikuru nemusi wa27 Gumiguru, mushure mekunge pamba pemhuri iyi pasvika nyuchi zhinji idzo dzakasviko pinda muimba yekurara.
Kashoma kuona nyuchi dzichipinda mumba munogara vanhu, asi chishamiso ichi chakaitika uye chakapupurwa nababa vepamba apa, VaGivemore Mangoro, avo vakati nyuchi dzacho dzakauya nehuwandu ndokugara pamba apa kwemazuva maviri.
“Takashama semhuri tichiona nyuchi dzichiuya kuzomhara mumba asi dzakazobuda dzikaenda zvadzo,” vakadaro VaGivemore Mangoro.
Nyangwe vamwe vanhu vari kuti nyuchi idzi dzakange dziri nyuchi dzisina chakaipa sezvo pasina munhu wadzakaruma kana kukanganisa, VaMangoro vanoti nyuchi dzacho dzakange dzisiri dzoga nokuti dzakabva dzabuda mumba muye pazuva repiri ndokunopinda mune imwe imba yepamba apa zvekare ndokuzofuma dzichienda zvachose ari mangwanani emusi wa29 Gumiguru.
Nyuchi idzi dzakaita kuti mhuri iyi itame pamba payo ichinorara mudzimba dzevamwe vachitya kurumwa nadzo. Naizvozvo kubva zvakauya nyuchi idzi pamusha apa hapana ari kurwara kana kuita zvisingatarisirwi pamunhu asi semhuri vari kuti nyuchi dzacho dzakange dzatumwa kuzoparadza mhuri iyi.
“Takange tatumirwa masoja evaroyi zvino takakunda neminamato,” uku kutaura kwaVaMangoro. Mumwe akaona nyuchi idzi ndiThelma Rwangi, uyo akati ichokwadi nyuchi dzakasvika pamusha apa uye vakadziona.
“Nyuchi takadziona zvekuti taitoti pacharumwa vanhu asi dzakazoenda zvadzo dzisina kuvhiringa vanhu,” akadaro Thelma Rwangi.
Zvisinei nekuenda kwenyuchi idzi pamusha apa pakauya maporofita akasiyana-siyana vachiisa minamato kuti nyuchi dzacho dziende zvachose.
Kusvika parizvino hatisati tanzwa divi remaporofita kuti nyuchi dzakange dzabvepi uye dzakange dzauya kuzotsvagei pamusha apa.