More
    HomeNehanda GuardianGusvi renyuchi ropinda mumba

    Gusvi renyuchi ropinda mumba

    Published on

    spot_img

    NaHeadrance Viga

    MAZOWE – MHURI yekwaMangoro kuMazowe Citrus yakavhunduka zvikuru nemusi wa27 Gumiguru, mushure mekunge pamba pemhuri iyi pasvika nyuchi zhinji idzo dzakasviko pinda muimba yekurara.

    Kashoma kuona nyuchi dzichipinda mumba munogara vanhu, asi chishamiso ichi chakaitika uye chakapupurwa nababa vepamba apa, VaGivemore Mangoro, avo vakati nyuchi dzacho dzakauya nehuwandu ndokugara pamba apa kwemazuva maviri.

    “Takashama semhuri tichiona nyuchi dzichiuya kuzomhara mumba asi dzakazobuda dzikaenda zvadzo,” vakadaro VaGivemore Mangoro.

    Nyangwe vamwe vanhu vari kuti nyuchi idzi dzakange dziri nyuchi dzisina chakaipa sezvo pasina munhu wadzakaruma kana kukanganisa, VaMangoro vanoti nyuchi dzacho dzakange dzisiri dzoga nokuti dzakabva dzabuda mumba muye pazuva repiri ndokunopinda mune imwe imba yepamba apa zvekare ndokuzofuma dzichienda zvachose ari mangwanani emusi wa29 Gumiguru.

    Nyuchi idzi dzakaita kuti mhuri iyi itame pamba payo ichinorara mudzimba dzevamwe vachitya kurumwa nadzo. Naizvozvo kubva zvakauya nyuchi idzi pamusha apa hapana ari kurwara kana kuita zvisingatarisirwi pamunhu asi semhuri vari kuti nyuchi dzacho dzakange dzatumwa kuzoparadza mhuri iyi.

    “Takange tatumirwa masoja evaroyi zvino takakunda neminamato,” uku kutaura kwaVaMangoro. Mumwe akaona nyuchi idzi ndiThelma Rwangi, uyo akati ichokwadi nyuchi dzakasvika pamusha apa uye vakadziona.

    “Nyuchi takadziona zvekuti taitoti pacharumwa vanhu asi dzakazoenda zvadzo dzisina kuvhiringa vanhu,” akadaro Thelma Rwangi.

    Zvisinei nekuenda kwenyuchi idzi pamusha apa pakauya maporofita akasiyana-siyana vachiisa minamato kuti nyuchi dzacho dziende zvachose.

    Kusvika parizvino hatisati tanzwa divi remaporofita kuti nyuchi dzakange dzabvepi uye dzakange dzauya kuzotsvagei pamusha apa.

    Latest articles

    Iran to unveil breakthrough anti-cancer vaccine in summer 2025

    Iran is set to introduce a groundbreaking anti-cancer vaccine in the summer of 2025,...

    Ṱhahalelo ya nḓisedzo ya maḓi yo no vha khedu khulwane kha vhadzulapo vha Beitbridge

    Walter Mambo Vhadzulapo vha Beitbridge vho bvisela khagala mbilaelo dzavho nga ha thaidzo ya maḓi...

    Roadside weavers sing the blues

    Business Chat with Victor Madzinga I had walked a couple of metres on, then something...

    Zimbabwe has enough grain up to next harvest – Muswere

    Harare, (New Ziana) – The country has enough grain to last up to the...

    More like this

    Iran to unveil breakthrough anti-cancer vaccine in summer 2025

    Iran is set to introduce a groundbreaking anti-cancer vaccine in the summer of 2025,...

    Ṱhahalelo ya nḓisedzo ya maḓi yo no vha khedu khulwane kha vhadzulapo vha Beitbridge

    Walter Mambo Vhadzulapo vha Beitbridge vho bvisela khagala mbilaelo dzavho nga ha thaidzo ya maḓi...

    Roadside weavers sing the blues

    Business Chat with Victor Madzinga I had walked a couple of metres on, then something...