NaHeadrance Viga
BINDURA – MAKAMBONZWAWO mudzimai achiita barika revarume?
Kunzvimbo yeMatepatepa kuBindura kune murume anonzi Ekson Mhizha ane makore makumi mana nemashanu (45) uyo anonzi ari kukundikana kufadza mudzimai wake panyaya dzepa bonde.
Naizvozvo murume uyu akazopa mudzimai wake mvumo yokutsvaga mumwe murume uyo anogona kumufadza pabonde.
Vamwe vanoti murume uyu akadyiswa uye vamwe voti irombe. Nyaya ino yatanga nemashoko akadaro zvichitevera kukundikana kwaEkson Mhizha uyo arikutaadza kufadza mudzimai wake panyaya dzebonde izvo zvamusiya asina chokuita asi kutendera mudzimai wake kutsvaga mumwe murume wekuita naye bonde nokuti iye ari kubvuma kuti ari kukundikana.
Izvi zvinotevera kumborwara zvakanyanya kwaakamboita gore rakapera izvo zvakazosiya murume uyu asina kana shungu nemudzimai wake.
“Ndingangoti kubva pandakarwara gore rakapera kusvika ikozvino handisi kufarira bonde izvo zvaita kuti mukadzi wangu agare nenzara yebonde, asi ndakazomutendera kuti atsvage murume wekuita naye bonde nokuti ini pachangu ndazvikoniwa,” akadaro Ekson Mhizha.
Murume uyu akazoenderera mberi achiti amboedza kubatsirwa kwakawanda padambudziko rake, asi zviri kuramba kuunza shanduko. Anoti achaedza nepose paanogona napo kutsvagirawo mukadzi wake murume akavimbika wekushamwaridzana naye.
Nyangwe murume uyu akatendera mukadzi wake kutsvaga mumwe murume wekushamwaridzana naye asi akati mukadzi wake uyu haafanirwe kuita vamwe vana zvekare nevamwe varume.
Parizvino murume uyu agara nemukadzi wake kwemakore makumi maviri uye ane vana vatatu nemudzimai uyu.
Achitaurawo maringe nechiitiko ichi, mudzimai waEkson Mhizha uyo anonzi Mary Godzi ane makore makumi mana (40) akati ichokwadi kuti akabvumirwa nemurume wake kutsvaga mumwe murume wekuita naye bonde.
“Ichokwadi murume wangu akabvuma kuti ari kukundikana muimba yemukati saka akanditi nditsvage mumwe murume wekushamwaridzana naye asi handisi kuziva kuti akataura izvi nerudo kana kuti kuramwa nezvangu,” akadaro Mary Godzi.
Kusvika parezvino mudzimai uyu akati haasati atsvaga murume wekushamwaridzana naye nokuti ari kuti kungotsvaga mumwe murume chete zvinozobuda nepamwe opedzisira arambwa nemurume wake vana vosara vari nherera.
Dambudziko rekukundikana muimba yemukati idambudziko ratekeshera mudzimba zhinji izvo zvaunza kupoya-poya kwevari muwanano, uye zvimwe zvacho zvichizokonzera kurambana pamwe nekuunza mhirizhonga iyo yauraisa pamwe nekukonzera kuremara kwevanhu vazhinji.
New Ziana