NeMunyori WeChaminuka
MARONDERA– Mapurisa ari mushishi kuferefeta chiitiko chinosuwisa zvikuru chekumbunyikidzwa pabonde nekubirwa chakaitika mugomo reNgomakurira kuGoromonzi munguva pfupi ichangodarika.
Nyakupara mhaka, panguva yakanyorwa nyaya ino, ainge asati azivikanwa, uye vanamugaradzakasungwa vakapa chikumbiro chekuti kana paine angangoite ruzivo nezvanyakapara mhosva, azivisise mapurisa ari pedyo.
Mutauriri wemapurisa muMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko ichi, vakati ivo nyakubhinywa nekubirwa akatanga avhundutsirwa nebanga pakazoitika nyaka-nyaka idzi.
Madzimai ava, avo vakaitwa navo bonde kaviri pasina kutenderana uye zvisina dziviriro, vakazobirwa madhora avo mashanu ekuUnited States of America (US$5), tugumbeze tutete twuviri pamwe nenharembozha yavo yerudzi rweRedmi 9A ine ruvara rwedenga.
“Zvichienderana nemashoko atakambira semapurisa, nemusi wa20 Mbudzi panguva dzemasikati, mudzimai ane makore makumi maviri nemaviri ekuberekwa akafunga kuenda kunonamata mugomo reNyamakurira riri kuDomboshava ari ega. Zvisineiwo, paakakwira gomo iri, akasangana nemamwewo madzimai maviri, avo vakangoziviswa mazita avo saMai Tino na Mai Tapiwa uye vaiitawo minamato yavo mugomo rimwe chete iroro.
“Vakabva vangobatana pakunamata vari vatatu vakaita pungwe iri minyengetero. Mumangwanani ezuva rakatevera, Mai Tino naMai Tapiwa vakati vainge vodzokera kudzimba dzavo, vachipa chivimbiso chekuti vaizodzoka kuzoenderera mberi neminamato yavo nenguva dzeshanu zuva rorereka musi mumwe chete iwoyo..
“Nyakubhinywa nekubirwa akasara achinamata ari ega mugomo iri uye panguva yaakazonzwa hope, akafunga kuti ambonodzipfodora arere pasi pemumwe wemihacha iri mugomo iri,” Inspector Chazovachiyi vakadaro.
Chiriporipotyo, zvinhu zvakazoenda nepamwe. Nyakubhinywa akamutswa kubva kuhope nemurume ainge aine bhegi dema. Nyakubhinya nekuzoba akatanga kubvunzurudza mumhan’ari pamwe nekumupomera mhaka – dzimwe dzacho dzinonzi dzaive dzisina kumeso – shumo yazvo shayu.
Nyakupomerwa mhaka akaudza mumhan’ari kuti aifanirwa kutanga abhadhara kuti akwire mugomo iri kuzonamata sezvo mupomerwi akati riri pasi pebandiko re National Museums and Monuments of Zimbabwe (NMMZ).
Rapedza kuvhundutsa haro, gororo iri rakazoudza mumhan’ari kuti vakwidze vose nechekumusoro-soro kwegomo reNyamakurira uko rakati kwaive nevamwe vasungwa vane chitsamha.
Mukufamba kudaro, vakasvika pane imwe nzvimbo apo mupari wemhaka akavhundutsira, ndokuudza mumhan’ari kuti arare pasi, pave pashure, ndokuita bonde naye pasina dziviriro. Mushure mekuita bonde ranga risina chitenderano iri kekutanga, nyakupomerwa mhosva akabvuta ndokusecha bhegi remumhan’ari.
Akatora zvine chisimba mari inosvika kumadhora mashanu ekuUnited States of America (US$5), machira matete ekufuga nenharembozha. Apedza kuba uku, akaudza mumhan’ari, uyo ainge apfeka hembe, kuti adzikumure.
Vakaitazve bonde risina kutenderana rwepiri. Nyakupara mhaka, mushure mekunge apedza mabasa ake akashata, akaudza nyakumhan’ara kuti arambe ari panzvimbo yaainge abhinyirwa nekubirwa iyoyo.
Mudzimai wemakore makumi maviri uyu akazodzika gomo iri ndookunomhan’ara nyaya yake kumapurisa epaChinamhora.
Akazoendeswa kuchipatara cheParirenyatwa muHarare kunoongororwa uye huferefetwa hwechiitiko ichi huri kufambira mberi.
New Ziana