NaFelix Mwatutsa
MARONDERA- Mapurisa emudunhu reMashonaland East ari kuita tsvakurudzo zvichitevera kupondwa kwemumwe murume wekuMudzi uyo ane mutumbi wakawanikwa wave padanho rakashata rekuora.
Zita remushakabvu rakaziviswa saSolomon Chisero (aive nemakore makumi mana nemana ekuberekwa) uye achibva munzvimbo yaSabhuku Maruza iri pasi pehutongi hwaMambo Nyamukoho.
Pakutenderedzwa kuri kuita mafun’a-fun’a echiitiko chinosuruwadza ichi, zvinonzi pakutanga kwemwedzi wadarika nemusi wa9, mushakabvu akashanyira shamwarikadzi yake inonzi Sekai Nyamupenza (ane makore makumi matatu nematanhatu ekuberekwa) uye ari mudzimai waTendai Rundu (makore ekuberekwa haana kuziviswa) Suswe Business Centre kuMudzi kwakare.
Mutauriri wemapurisa muMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko chinosuruvadza zvikuru ichi.
“Semapurisa, takatambira mashoko ekuti nemusi wa9 mwedzi wadarika, mushakabvu Chisero akashanyira shamwarikadzi yake nechimudhudhudhu chake chine ruvara rwuchena ndokutakurana vakananga pane imwe nzvimbo muraini raSabhuku Mutsenhu.
“Vakasiya vachengetedzesa chimudhudhudhu ichi pane mumwe musha, pashure kwave kuenda kune rimwe gomo nechinangwa chekuti vanosasana kumafuramhepo. Vari pakati pekusasana kudaro, pane varume vaviri vainge vakabipitira matombo vakasvika panzvimbo iyi chiriporipotyo uye mumwe wevarume ava akabvunza kuti mushakabvu aiitei nemukadzi wemunhu muchikomo.
“Varume ava vanozni vakaudza mushakabvu kuti zvaaiita zvaikonzeresa kusvibiswa kwenharaunda vachibva vatanga kumutaka nemabwe,” Inspector Chazovachiyi vakadaro.
Vakaenderera mberi vachiti mushure mekuona kuti zvinhu akange ave manyama amire nerongo, Nyamupenza akaita chitsoka ndibereke ndokusiya bongozozo richiitika.
Paakatoboka achibva mugomo umu uye pane zvese zvaainge aona, mudzimai uyu anonzi hapana waakanyeurira nezvechiitiko ichi, mazauone.
Mukutanga kwemwedzi uno, Gumiguru, hanzvadzi yemushakabvu, Tsitsi Chisero (ane makore makumi mana nematanhatu ekuberekwa) akazivisa mapurisa kuti hanzvadzi yake yainge isingazivikanwe kuti iripi.
Mushure mezvo, pakaitwa chipatapata chekutsvaga mushakabvu asi hazvina kuzivikanwa kuti aivepi. Mukuita tsvagurudzo dzavo, anaMugaradzakasungwa vakahwerengedza ndokupihwa zivo yekuti mushakabvu ainge agumisira kuonekwa achirezvana naNyamupenza.
Vamwe vagari vemunzvimbo yakaitikira njodzi iyi vakatsanangura kuti vaimbenge vaona mushakabvu achidzingirirwa nevarume vanofungidzirwa kuti vangange vaine chekuita nekutsenga nyemba kwake.
Mapurisa, nerubatsiro rwevamwe vagari vemunzvimbo iyi, vakahwerengedza nzvimbo dzose dakara mutumbi wemushakabvu wazowanikwa wave pachinzvimbo chekuora zvekupfurikidza musi wa9 mwedzi uno.
Sekutaura kwaInspector Chazovachiyi, tsvakurudzo dzekuti pazivikanwe chakanyatsotora nzvimbo pachiitiko ichi dziri kufambira mberi.
New Ziana