NaHeadrance Viga
NZVIMBO zhinji dzekudunhu reMazowe dzakanaya mvura svondo rakapera kubva nemusi weMuvhuro izvo zvasiya varimi ava vane gadziriro iri nani nokuti vamwe varimi vakange vane pfungwa yekuti denga harichina mvura.
Nyangwe zvazvo mvura yakanaya munzvimbo idzi yakange iri shoma asi yakatsanangurwa nevarimi vazhinji sesando yekurodzesa mapadza sezvo pasi pakange pakaoma zvakanyanya izvo zvaikanganisa varimi kunyatsochera makomba ekuzodyara chibage kana mvura zhinji yaturuka. naizvozvo tumvura twakanaya utwu twakabva twarerutsa kuoma kwepasi zvikasiya basa rekutimba-timba mumabindu pamwe nemuminda rareruka.
“Pasi pakange pakaoma zvakanyanya, asi nekunaya kwetumvura utu kwatibatsira nokuti basa rekuchera makomba muminda raakunakidza nokuti pasi hapasisina kuona,” akadaro Josphat Kadyiwa ari murimi wechirongwa chePfumvudza kuMazowe.
Mumwezve akafarira kunaya kwemvura iyi ndiTerrence Chabikwa, uyo akati mvura yakanaya iyi yakamupa simba rokugadzirira kuuya kwemvura yemwaka uno.
Mamwe masangano ezvevarimi kuMazowe vakurudzira varimi vadiki, kunyanya vaye vasina madiridziro kuti vasadyare mbeu parizvino nokuti mwaka wekunaya kwemvura hausati wanyatsokwana nokuti mushure mekunaya kwetumvura utu pachazenge pane zuva rakanyanya mumasvondo mashoma ari kutevera.
Zvisinei nekufarira kwekunaya kwemvura iyi, vamwe varimi wechirimwa chegorosi kubva mudunhu rimwechetero vari kuchema nekuda kwekunaiwa kwakaita chirimwa ichi nemvura mumapurazi ekuGlendale, Mazowe neConcession ayo anosanganisira Makuku Farm, Mushambi, Bauhinia Farm uye pakati pemamwe mapurazi akadyarwa chirimwa ichi.
New Ziana