More
    HomeAgricultureMvura yorodza mapadza evarimi

    Mvura yorodza mapadza evarimi

    Published on

    spot_img

    NaHeadrance Viga

    NZVIMBO zhinji dzekudunhu reMazowe dzakanaya mvura svondo rakapera kubva nemusi weMuvhuro izvo zvasiya varimi ava vane gadziriro iri nani nokuti vamwe varimi vakange vane pfungwa yekuti denga harichina mvura.

    Nyangwe zvazvo mvura yakanaya munzvimbo idzi yakange iri shoma asi yakatsanangurwa nevarimi vazhinji sesando yekurodzesa mapadza sezvo pasi pakange pakaoma zvakanyanya izvo zvaikanganisa varimi kunyatsochera makomba ekuzodyara chibage kana mvura zhinji yaturuka. naizvozvo tumvura twakanaya utwu twakabva twarerutsa kuoma kwepasi zvikasiya basa rekutimba-timba mumabindu pamwe nemuminda rareruka.

    “Pasi pakange pakaoma zvakanyanya, asi nekunaya kwetumvura utu kwatibatsira nokuti basa rekuchera makomba muminda raakunakidza nokuti pasi hapasisina kuona,” akadaro Josphat Kadyiwa ari murimi wechirongwa chePfumvudza kuMazowe.

    Mumwezve akafarira kunaya kwemvura iyi ndiTerrence Chabikwa, uyo akati mvura yakanaya iyi yakamupa simba rokugadzirira kuuya kwemvura yemwaka uno.

    Mamwe masangano ezvevarimi kuMazowe vakurudzira varimi vadiki, kunyanya vaye vasina madiridziro kuti vasadyare mbeu parizvino nokuti mwaka wekunaya kwemvura hausati wanyatsokwana nokuti mushure mekunaya kwetumvura utu pachazenge pane zuva rakanyanya mumasvondo mashoma ari kutevera.

    Zvisinei nekufarira kwekunaya kwemvura iyi, vamwe varimi wechirimwa chegorosi kubva mudunhu rimwechetero vari kuchema nekuda kwekunaiwa kwakaita chirimwa ichi nemvura mumapurazi ekuGlendale, Mazowe neConcession ayo anosanganisira Makuku Farm, Mushambi, Bauhinia Farm uye pakati pemamwe mapurazi akadyarwa chirimwa ichi.

    New Ziana

    Latest articles

    Warrant of arrest for Gwanda man who killed wife for denying his conjugal rights

    Bulawayo, (New Ziana)-The Bulawayo High Court has issued a warrant of arrest for a...

    Parliament pushes for decentralization of cancer treatment

    Harare,  (New Ziana)-The Parliamentary Portfolio Committee on Health and Child Care has called for...

    Bulawayo to take hard stance on stray dogs

    Bulawayo, February 14,2025(New Ziana)- The Bulawayo City Council (BCC) has issued a stern warning...

    No longer business as usual: Improved feeds transforming livestock production in Zimbabwe

    By Johnson Siamachira Harare, (New Ziana) — At dawn, the sun casts its first golden...

    More like this