NaHeadrance Viga
GLENDALE – MVURA inedutu rakanyanya yakanaya nemusi wa25 Gumiguru munzvimbo yeGlendale zvikasiya dzimba zhinji dzisina Matenga.
Zvitoro zvakawanda munzvimbo yeGlendale, zvinosanganisira Pashoma Take Away, Eddis Bar, Glendale Flea Market pakati pezvimwe, zvakasimudzwa marata nemhepo.
Dzimwe dzimba dzakange dziri kuvakwa kunyanya kuWest View dzakadonhedzerwa pasi nemhepo zvekare uye imwe miti kubva munzvimbo iyi yakaparadzwa.
Mumapurazi makange musina kumira zvakanakawo, zvekare nokuti dzimba dzehuswa pamwe nemipanda kunyanya pamapurazi eKilmer neBrawlands dzakapfurunurwa huswa hwadzo nemhepo.
Kunaya kwemvura ine dutu iyi kwasiya vanhu vazhinji vachigadzirisa zvose zvakakanganiswa asi zvizhinji zvacho zvinoda mari apo mari yacho ichinetsa zvekare kuwana.
Mumwe mugari wemuGlendale, Jimmy Blocker, akati mvura ine dutu guru yakanaya uye ikaparadza zvivakwa zvakawanda. “Zvakange zvisina kumira zvakanaka apo takaona matenga emidhuri edzimba pamwe nezvikoro zvichisimudzwa nemhepo,” akadaro Jimmy Blocker.
Mumwezve akatsinhira chiitiko ichi ndiHazvinei Mangomba, uyo akati imba yemwana wake yakatakurwa marata nemhepo asi vakazodzorera marata acho nokuti akange asina kurasirwa kure.
Hunhu hwemhepo iyi hwasiya vanhu vazhinji vachitya kunyanya pachanaya imwe mvura zvekare apo vari kuti zvinogona kutodarika zvakaitwa apa, naizvozvo ikurudziro yekuona kuti pamuri pose pakachengetedzeka here pachauya mhepo yerudzi rwakadai.