NeMunyoro WeChaminuka
MARONDERA– Nhengo dzemusangano webato riri kutonga munyika, reZanu PF, dzinofanirwa kushandisa, kana kufambisa mashoko kubudikidza nemadandemutande akasiyana zvakakodzera uye dzinofanirwa kusava nemweya wenyonganiso.
Sachigaro weZanu PF muMashonaland East, Cde Daniel Garwe vakatura mashoko makukutu aya pamusangano wenhengo dzeProvincial Coordinating Committee (PCC) wakaitirwa muMarondera munguva pfupi ichangodarika.
Mumusangano uyu, nhengo dzebato dzakaziviswa nezvezvisungo zvakasungwa kumusangano weConference wakaitirwa kuBulawayo mumasvondo mashoma achangodarika.
Cde Garwe vakati: “Sekuziva kwedu tose, Hurumende iri kufambidzana nenguva munyaya dzekufambiswa kwemashoko kubudikidza nemasai sai, angave epazvikwata zvepaWhatsApp, Facebook kana X, iyo tose yaizivikanwa seTwitter. Zvino zvave kuzoshatira pakuti tine nhengo dzine zvigaro zvinoremekedzeka nevatsigiri vemusangano vave kushandisa nzira dzekufambisa mashoko idzi zvisina kufanira.
“Kune vari kugadzira zvikwata zvepaWhattsApp, votongoisa vanhu kunyangwe vasingazive vobva vatanga kushoropodza, kutukirira kana kungofambisa mashoko anenge asina humbowo kana vara rehuchokwadi. Kuita kwakadai hakuvaki, asi kutoti kunopunza musangano wedu. Ini sachigaro weZanu PF muMashonaland East ndakatombotukwa uye mutungamiri wemadzimai (Women’s League) mupurovhinzi muno Dr Aplonia Munzverengwi vanogarosangana nedambudziko rakadai.”
Cde Garwe vakati nhengo dzebato reZanu PF dziri kuita izvi dzinofanirwa kupfira katsika aka imbwa dzigonhonga.
“Ngatisiyanei netsika iyoyo. Ibasa rangu ini newe kuvakiridza musangano wedu weZanu PF. Ngatiremekedzei hutungamiri uye ngatishandisei gwara rakakodzera kana tichida kuturura nhunha dzedu,” vakadaro.
Pamusangano uyu, Cde Garwe avo vanovazve Gurukota rinoona nezvekusimudzirwa kwematunhu vakati vanhu vanotengesera veruzhinji nzvimbo dzekuvaka zvisiri pamutemo havasi kuzombowaniswa mukana wekuti varambe vachingoita madirativhange avo.
Vakati: “Hakuna munhu anofanirwa kutengesa kana kugovera nzvimbo yepekuvakira dzimba dzekugara zviri kunze kwemutemo. Hurongwa hwekuwaniswa pekuvaka kwevanhu hunofanirwa kuitwa kuchitevedzwa mitemo yemunyika. Vanhu ngavaregera kuitira vamwe hugevha uye veruzhinji vanofanirwa kuve nechenjedzo kuti vasazobirwe nematsotsi aya.
“Hurumende ichafambira nyaya dzakadai dzose kusvika kumagumo uye vane tuturike vose ngavazive kuti tuchaturunurwa.”
New Ziana