NaHeadrance Viga
CONCESSION – ZVINORWADZA zvikuru kuti munhu ararame nokudya huswa sezviya zvinoitwa nezvipfuyo izvo zvakaita semombe nembudzi.
Nyaya ino yauya zvichitevera mashura emumwe murume wekuConcession ane makore makumi mana nemana (44) ekuzvarwa, uyo akafa achidya huswa paine fungidziro yekuti murume wacho akange aroiwa pamusoro penyaya yekuba.
Hurukuro maringe nenyaya yemurume wacho inotaridza kuti murume akange achiba midziyo pamwe nezvipfuyo zvevanhu izvo zvakazoita kuti asvike pakuzogadzirwa ndokuzopedzisira aakudya huswa kwemasvondo maviri akatevedzana ndokubva azoshaya.
Hama pamwe neshamwari dzake vakapupura kuti murume uyu akafa mushure mekunge agadzirwa izvo zvakazoita kuti afarire kudya huswa asati afa.
Mumwe munhu akatsinhira chiitiko chenyaya iyi ndiFrancis Zukwa uyo akati murume uyu akafa atambura zvechokwadi nokuti akange akurarama nokufura sora kunge mbudzi kana mombe.
“Ichokwadi kuno kwatiri kwakaita mashura apo mumwe murume akatanga kurwara ndokuzopedzisira aakuramba kudya sadza asi achifarira kudya huswa pamwe nemashizha,” akadaro Francis Zukwa.
Vakakura nemurume uyu vanoti murume uyu akange ari mbavha uye zvose zvekuti akange akudya huswa mucherechedzo mukuru wekuroiwa kwaakaita nekuda kwemabasa ake ekuba zvinhu zvevanhu.
Murume uyu akafa masvondo adarika uye akazovigwa nehama dzake idzo dzakange dzatambura neraramo yake apo akange akudya huswa.
Nyangwe hama dzakafamba naye kumaporofita vachitsvaga kundiso, zvose izvi hazvina kuunza shanduko paurwere hwemurume uyu nokuti akasvika pakufa nekuda kwenyaya dzehumbavha.
Nyaya yemurume uyu yakabva yaita nyaya yekutanga munzvimbo yeConcession kuona pamwe nekunzwa nezvemunhu anodya huswa kunge mhuka dzesango.
Vamwe Ambuya vanoita zvekurapa munzvimbo yeConcession, Mbuya Muroiwa vakati nyaya yemurume wekudya huswa iyi idudziro yakazara yekuti murume wacho akange akaroiwa asi pasiri kuzivikanwa chikonzero chacho.
New Ziana