NaHeadrance Viga
MAZOWE – KU JUMBO Mine kuMazowe kwakaonekwa mashura nemusi weMuvhuro iro svondo rakapera apo Norman Makwara (33) akapopotedzana nevamwe ambuya nenyaya yemuganhu wemunda izvo zvakazoita kuti murume uyu arumwe nenhunzi ari kumunda kwacho.
Nyaya yacho zvizere; pazuva riri kutaurwa iri Norman Makwara akamuka akaenda kumunda kunososa pamwe nekuchera makomba ekudyara chibage apo akasvikidzana naAmbuya Mavete ndokubva vaviri ava vakakavadzana nenyaya yemuganhu wemunda.
Pakupopotedzana apa, Norman Makwara aipomerwa mhosva yekudarika muganhu wake ndokubva apinda mumunda wambuya Mavete. Vachipopotedzana kudaro,Ambuya Mavete vakabva varamwa ndokubva kumunda kwacho vakagumbuka.
Zvadaro kwapera nguva pfupi, murume uyu asara kumunda kudaro anoti akabva amharwa nenhunzi paruoko. Nhunzi imwecheteyo yakazomumhara pamhanza ndokuzopedzisira nokumumharazve padama rake. Yamhara padama kudaro, Norman Makwara anoti akanzwa kuita sekunge arumwa nenyuchi padama racho asi padama pamwechetepo pakange pakamhara nhunzi.
Kusina kupera chinguva arumwa kudaro, murume uyu anoti dama rake rakabva ratanga kuzvimba. “Kwakasvika nhunzi kumunda ndokubva yandiruma padama izvo zvasiya dama rangu rakazvimba sezvamuri kuona izvi,” akadaro Norman Makwara.
Achitsanangura, anoti nhunzi yakamuruma inoshamisa zvikuru nokuti izvi hazviwanzoitika kuti munhu arumwe nenhunzi. Nekuda kwemashura aya Norman akabva anobatsirwa kumaporofita uko akazoudzwa kuti pane munhu wechidzimai waakanetsana naye uye munhu wacho ndiye honzeri padambudziko rake.
“Ndasvika kwandakabatsirwa ndokuudzwa kuti pane munhu akanditumira nhunzi iyi uye munhu wacho ndewechidzimai,” uku kutaura kwaNorman Makwara.
Nyangwe paine fungidziro yekuti ambuya vaakanetsana navo panyaya yemuganhu wemunda vanobata-bata asi ambuya ava vakaramba vachiti havana chekuita nenhuzi yakaruma murume uyu.
“Ichokwadi kuti ndakanetsana nemurume uyu maringe nemuganhu wemunda asi Handisiri ini ndakamutumira nhunzi yakazomuruma iyo yandiri kunzwa nezvayo,” vakadaro Ambuya Mavete.
Mudzimai waNorman Makwara uyo anonzi Tecla Chifamba akatsinhira chiitiko chenyaya iyi apo akati murume wake akauya achibva kumunda akazvimba padama achiti akange arumwa nenhunzi.
“Ndakaseka uye ndikafunga kuti akange akupenga paakanditi ndarumwa nenhunzi kumunda ndokubva dama razvimba,”akadaro mudzimai waNorman Makwara. Zvisinei nekumbonobatsirwa kuvabatsiri vakasiyana-siyana, dama remurume uyu richiri rakazvimba apo riri kuita sekunge munhu ari kurwara nezino kana kuti nemota repadama.
New Ziana