More
    HomeChaminukaOtarisana netirongo nemhosva yekuponda

    Otarisana netirongo nemhosva yekuponda

    Published on

    spot_img

    NaRopafadzo Chigona

    MARONDERA- Mumwe murume wekwa Mutoko akasungwa mushure mekuuraya ava mushakabvu panguva ino Lovemore Mugovera.

    Murume akasungwa uyu anonzi Allen Marufu mushure mekunge abatwa achiba zvinoshandiswa pakuchera goridhe. Zvirikunzi musiwa 25 Chivabvu murume anonzi Allen uyu akabatwa achiba zvinoshandiswa pakuchera mumigodhi zvaiva zve Tafungamushe Mining Syndicate nevaridzi vepamugodhi uyu vaisanganisira mushakabvu Mugovera. Izvi zvakaitikira ku Mudzi mumusha unonzi Makanjera pasi pamambo Nyakuchena.

    Muzuva rimwe chete iroro papera kakungavana ava mushakabvu akasiiwa akatarisa arikupomherwa mhosva yekuuraya Allen apo vamwe vaishanda nemushakabvu vaitandanisa mumwe aifungirwa kunzi ainge abatsirana na Allen kuba zvavaishandisa. Aitsvagwa nevamwe vashandi vepamugodhi uyu anonzi Persistance Chitawa.

    Mutauriri wemapurisa mu Mashonaland East Province Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko chenyaya iyi.

    Vakati. ” Allen paakaona kuti akanga asiiwa na Mugovera vari vaviri akafunga kutiza. Aripakati pekutiza kudaro Mugovera anotanga kumumhanyisa achitevera. Allen aona kuti ava kutengerwa akanhonga dombo kwava kutema ava mushakabvu mumusoro izvo zvakaita kuti adonha pasi.

    Inspector Chazovachiyi vakati ava mushakabvu akakuvara zvakanyanyisa mumusoro wake. Vamwewo vaizvifambira panzvimbo apa vaona izvi vakaenda panzvimbo apa kwava kubata arikupomherwa mhosva yekuuraya uyu Allan.Mugovera akaendeswa ku chipatara che All Souls Mission kuti anorapwa neakazozivisa mapurisa nyaya iyi Frank Shorayi (42).

    Mugovera akabva achengetwa pachipatara apa asi akazoendeswa ku Parirenyatwa Group of Hospitals nekuda kwekuvara zvakanyanyisa kwaaiva aita asi achingobva kusvika akabva afa musiwa 26 Chivabvu 2024.

    “Nyaya yakanomhan’arwa kumapurisa epa Makosa akaenda pakaitikira nyaya iyi. Arikupomherwa mhosva iyi akabva asungwa. Mutumbi we mushakabvu wakabva waendeswa kunochengeterwa vafi uko kwachakamirira kuongororwa.

    Latest articles

    Zimbabwe has enough grain up to next harvest – Muswere

    Harare, (New Ziana) – The country has enough grain to last up to the...

    Vendors to get POS machines

    Harare, (New Ziana) – Vendors in the country are expected to be issued with...

    Mixed feelings over partitioning of shops into small units

    Bulawayo, (New Ziana)- A growing number of property owners in Bulawayo's Central Business District...

    Darts clubs shine at tournament

    By Terence Tikiti THE National Darts Association of Zimbabwe (NDAZ) held its National Darts...

    More like this

    Zimbabwe has enough grain up to next harvest – Muswere

    Harare, (New Ziana) – The country has enough grain to last up to the...

    Vendors to get POS machines

    Harare, (New Ziana) – Vendors in the country are expected to be issued with...

    Mixed feelings over partitioning of shops into small units

    Bulawayo, (New Ziana)- A growing number of property owners in Bulawayo's Central Business District...