NeMunyori WeChaminuka
MARONDERA- Mapurisa anoti ari kutsvaga mumwe murume wekuVillage 10, Dangaremombe mudunhu raMambo Seke, uyo ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo kamuzukuru kake kane makore manomwe ekuberekwa.
Nyakupomerwa mhaka uyu ane makore makumi maviri.
Nyaya iyi inonzi yakabuda pachena nemusi wa20 Gunyana gore rino mushure mekunge mwana wekubhinywa uyu atsanangurira amai vake nezvetsekwende yaainge asangana pakumbunyikidwza kwaakaitwa nemurume uyu anova sekuru vake.
Mutauriri wemapurisa muMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhiri nyaya iyi, vakati tsvakurudzo dzayo dziri kufambira mberi sezvo nyakupomerwa mhosva akanyangarika paakangoziva kuti chaainge adya chode kumuka.
Inspector Chazovachiyi vakati: “Munguva pfupi ichangodarika, takatambira shoko rekuti pazuva risina kuzivikanwa, mwanasikana wemakore manomwe uyu ainge achizvitambira pamba apo sekuru vake ava vakamusheedza muimba yavo yekurara. Vanonzi vakamuti apinde mumagudza mavainge vari ndokumumbunyikidza pabonde. Mushure mezvo, mwana uyu haana waakaudza.
“Mupari wemhosva uyu akadzokorora izvi mumwewo musi muimba yake yekurara sepakutanga. Pazuva iroro, mwana uyu haanazve waakaudza. Zvichakadaro, mwana uyu akazoudza amai vake nezvekubhinywa kwake musi wa20 Gunyana, vakazomuperekedza kunomhan’ara kumapurisa musi wa28 Gumiguru svondo rakapera.”
Mwana uyu akaendeswa kuChivhu General Hospital kuti anoongororwa nanamazvikokota vezvehutano uye nyakupomerwa mhosva anonzi akabva anyangadika.
Mune imwe nyaya isina kunanyofanana zvayo neiyi, pane mwana mukomana ane makore masere anonzi akabata chibharo mwanasikana ane makore mana ekuberekwa kuBeatrice.
Inspector Chazovachiyi vakatsinhirazve nyaya iyi, vakati vaviri ava Havana hukama asi vanogara pakomboni imwechete. Vakati nemusi wa26 Gumiguru, mwanasikana uyu akasiiwa ari mumaoko emukoma wake ane makore masere panguva iyo vabereki vavo vaienda kumunda.
Sisi vemwana uyu vakabva pamba vachinotsvaga huni ndokumusiya ari ega.
Mwanakomana wekupomerwa uyu anonzi akazodaidza mwana wemakore mana uyu muchinjahusi maainge ari ndokumubata chibharo. Pavakadzoka kubva kumunda munguva dzemanheru, kamwana aka kakaudza amai vako zvainge zvaitika, nyaya ikanomhan’arwa kumapurisa epaBeatrice.
Nyakupomerwa akasungwa asi akazonzi adzokere kumba uko akasiiwa ari mumaoko ababa vake vane makore makumi mana nemana ekuberekwa.
Mwanasikana wekubhinywa akaendeswa kuEdith MSF Mbare Clinic kuti anoongororwa uye tsvakurudzo dzenyaya iyi dziri kufambira mberi.