Munyori We Times
GWERU – Masangano evagari vemuGweru anopomera kanzuru yeguta iri mhosva yekutyora mutemo uye anoda kuti paitwe ongororo dzizere kuitira kuti paonekwe chakakonzera kufa kwevashandi vaviri vakadzipwa mumugodhi nguva pfupi yadarika.
Vashandi vaviri ava, Richard Longwe naMary Svinurai vakavigwa kumarinda ekwaMtasa neMkoba 9 uko vashandi vakaratidzira kusafamba zvakanaka kwezvinhu.
Mukuru anoona nekupinzwa basa kwevashandi vekanzuru vaJoseph Zimusi vakazodzivirirwa nemapurisa ekanzuru apo vashandi vakanga voda kumubatabata.
Vakuru venzvimbo iyi vanoti rufu urwu rwakakonzerwa nekudzipwa nechepfu mushure mekunge vashandi ava vapinda mugomba vasina midziyo yekudzivirira yakakwana.
Umwe musangano wevagari unonzi #054 vakanyorera mukuru weguta reGweru VaMartin Chivhoko vachipomera vakuru venzvimbo iyi mhosva yekukonzeresa kufa kwevashandi.
“Se #054, tiri kushushikana zvikuru neizvi sezvo kanzuru yenyu iri kubvuma pachena kufa kwevashandi ava nekushaya hanya kwenyu,” boka iri rakanyora.
Vakapomera zvakanyanya mukuru we bazi raishanda vashandi ava sezvo ari iye aifanira kuona kuti vashandi ava vane zvidziviriro zvakakwana.
Vakapomera mukuru weguta vaChivhoko mhosva yekushaya hanya.
#054 yati zvinowanzoitika kuti masuweji enzvimbo zhinji dzemuGweru anenge asina kumira zvakanaka nekusagadziriswa zvakanaka.
Chikwata ichi cahakati kutadza kushongedza vashandi nemidziyo inodiwa kuti vachengeteke vasati vapinda mumakomba akadai havambofi vakazviregerera.
Vakati mukuru weguta vaChivhoko vakasarudza kunodya mari yekanzuru zvisiri pamutemo kuEgypt panzvimbo yekushongedza vashandi zvinovadzivirira nekuvapa muhoro avo vapedza mwedzi miviri vasina mihoro.
“Vashandi vangadai vakabatsirikana zvikuru dai simba rawakashandisa muchienda kuEgypt riri iro ramakashandisa kudzivirira vashandi nekuvahoresa.”
Boka iri rakati richamirira mhuri dzevashandi ava dzichema mushure vozotora matanho ekuti Nyaya iyi ibude pachena.
Mukuru weGweru United Progressive Residents and Ratepayers Development Association, VaDavid Chikowore, vanoti panofanirwa kubvunzurudzwa zvine mutsindo panyaya dzine chekuita nechiitiko ichi.
Akataura kuti chero vasingadi kumhanyira kupa mhosva kukanzuru, paifanira kuonekwa kuti vashandi ava vakadzivirirwa.
VaChikowore vanoti zvakafumurwa kuti GCC iri kushanda isina munhu anoona nezvekudzivirira kwenjodzi nekukurudzira hutano izvi zvinoshoresa kanzuru.
“Kunyange zvazvo zvizvarwa zveZimbabwe zvisiri vanhu vane mhirizhonga, kufa kwevashandi vaviri vekanzuru ava kunofanira kuti anenge akatadza basa azvimirire,” vakadaro vaChikowore.
“Kufa kwevaviri ava hakufanire kungopinda munhoroondo sehuwandu hwetsaona dzepabasa asi panofanira kuti patorwe matano kuti nyaya iyi iwongororwe.”
VaChikowore vaenderera mberi vachiti nyaya iyi inenge isina kufambiswa zvakanaka kana pakashaya muripo kumhuri dzevashani ava.
“Kunyangwe kuripwa kwemari kusingadzosi vakafa, zvichabatsira mhuri dzakafirwa kuwana chokwadi chiripo pakushaya kwevadikani vavo.”
Mukuru weGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornilia Selipiwe vanoti panofanirwa kuitwa ongororo kuitira kuti matambudziko akadai asaitike zvakare.
“Takamirira kuti veNational Social Security Authority (NSSA) neveko kukanzuru vagoita ongororo yavo vega.
“Dai aiva madiro edu, tingadai takakurudzira kuti pave nekomiti yakazvimirira inoona nezvenyaya idzi uye kuti ibude negwaro rinotaura nezvakaitika.
“Vanhu ava vakafa vari pabasa; pane nyaya dzakawanda dzirikutaurika saka isu tinoti nyaya iyi ngaiongororwe zvizere nekuti tiri kushushukana kwazvo,” akadaro Selipiwe.
Vakati kutadza kuferefeta nekupedzisa nemazvo nyaya iyi kunopa kuti chiitiko chakadai chidzokorore.
Mutauriri weGweru, Vimbai Chingwaramusee, vanoti ongororo yekuona kuti chii chakaitika iri kuitwa.
“Sekanzuru tiri kuita ongororo yekuti tione kuti chii chakaitika, uyezve pane vokunzewo vari kuita ongororo dzavowo. Tichakuzivisai kana onogororoi idzi dzapera,” vakadaro vaChingwaramusee.