Hwindi ourayirwa kukwezva vanhu vakawanda vanotakurwa nezvifambiso kuMberengwa
SHONA- Hwindi anonzi Paines Shoko ane makore makumi matatu nematatu (33) okuberekwa akafa
mushure mokukuvadzwa zvakaipisisa nomumwe waaishanda naye anonzi Honest Shoko nechikonzero
chokugona kukwezva vanhu vakawanda kuti vapinde mumota yake yebasa. Izvi zvakaitika panzvimbo
yeMabhizimusi yeDanga kuMberengwa munguva pfupi yadarika. Hazvizivikanwi kuti vaviri ava vane
ukama here.
Honest Shoko anova ane makore makumi maviri nematanhatu (26) okuberekwa aigara kunzvimbo
dzichangotanga kuvakwa kuMberengwa ari kupomerwa mhosva yokurova Paines Shoko nechibhakera
nechepanzeve zvinova zvakazokonzera rufu rwake mushure memazuva mashoma. Mushakabvu uyu
aigara mubhuku raSipho Mposi, pasi paShe Bvute kuMberengwa.
Vaviri ava vakanga vari Panzvimbo yeMabhizimusi yeDanga vachideedzera kukwezva vanhu kuti vakwire
motokari dzavo apo vanhu vatatu vakasvika paiva naPaines vachitsvaga zvifambiso. Izvi zvakatsamwisa
Honest.
Honest ari kunzi akabata Paines hembe nechepahuro, akamurova nechibhakera ndokumusundidzira
kure.
Honest akatiza mushure mokupara mhosva iyi. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa vanova
vakazosvika panzvimbo yakaparwa mhosva.
Paine akaendeswa kuchipatara chokuMberengwa kuti anorapwa. Zvisinei, akazofa musi wa 8 Mbudzi
mushure mokuendeswa kuchipatara chikuru cheUnited kuBulawayo (UBH) uko akanga anzi anorapwa.
Anotaura akamirira mapurisa mudunhu reMidlands, Inisipekita Emmanuel Mahoko vakatsinhira nyaya
yaive yakaitika Panzvimbo yeMabhizimusi yeDanga musi wa 3 Mbudzi panguva dzekuma8 mangwanani.
Honest akazosungwa uye ari kubatsira mapurisa kuferefeta nyaya iyi.
SHONA
Inisipekita Mahoko vakakurudzira voruzhinji kuti vadzore kutsamwa kwavo kana paita kusanzwisisana
kuitira kudzivirira kurasikirwa neupenyu kusina kufanira.
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
Language Institute
Comments are closed.