Madzimai anorarama nehurema vanodawo kodzero dzavo
Na Fortunate Gunde
CHINHOYI – MADZIMAI nevanasikana vanorarama nehurema vanodawo kusimudzirwa
pamwe chete nekupihwa rutsigiro.
Madzimai mazhinji vanozviriritira nemabasa emaoko, uye madzimai mazhinji anoita
zvekutengesa kusanganisira nevano rarama nehurema.
Pahurukuro yakaitwa neve Telegraph mubati wechigaro cheMashonaland West wevanhu
vanorarama nehurema (Chairperson of Federation of Organizations of people with disabilities in
Zimbabwe – FODPZ), va Pedzisai Mungayi, vakati:”Madzimai ane disability vane double
disadvantages, chekutanga vakadzvinyirirwa sekuti munhukadzi, just like kuchema kunoita
mamwe madzimai ose kuti kodzero dzedu tinodzidawo.
“Ivo, vozo wedzera kudzvinyirirwa zvakare nokuda kwekuti vane disability seku dzvanyirirwa
kuya kunoita vakadzi vanorarama vane hurema. Saka gender-wise she is at a disadvantage again
on the basis of having disability saka izvozvo ndozvatiri kuti madzimai kodzero dzavo,” akadaro
Mungayi.
”Madzimai ane hurema aya vanhu vakagara vakasiiwa from the word go. Vanhu vakashoreka,
vanhu havavaone sevanhu vanokwanisakuitawo machoices sevamwe.
“Saka vari kudawo kodzero idzodzo. We are looking at the quota system iri kuitwa champion
nevanhu. Madzimai anobva apihwa quota system be it in Government, political sphere ne
education. Ivo sevanhu vakadzvinyirirwa nokuda kwedisability,vozoitwa futi override nevamwe
vakadzi vasina disability kutivasazonzi ava havangaite.
“Tiri kuti vanhuwo vanekodzero dzavo, even on that quota system ngapa chivewo nereservation
yokuti muquota system medu we want it to be inclusive, ngativewo nepercentage yevanhu vane
madisabilities nekuti they have got very bright ideas, brilliant solving skills
“Because iwayo maproblems haazotorwe sezvinhu zvine basa because vanhu vari kutanga
kutarisa hurema hwemunhu not zviri pamunhu saka zvose izvozvo tiri kuti vanhuwo vane
kodzero dzavo,” akadaro Mungayi.
”Madzimai aya need education inoita nezvehutano hwevanhu, sexual reproduction kuti vave
vanhu vano decider what they want pakuda kuroorwa. They also need education on getting
contraceptives. Madzimai aya should get a double advantage when it comes to representation in
quota system of women and quota system of youths.
“Let’s look at youths with disabilities madzimai vane madisabilities vanotoda kodzero dzaka
petwa kaviri kupfuura kudzvanyirirwa kwakapetwa kaviri,” akadaro Mungayi.
“Currently havasi vanhu vari involved munyaya dzema decision-making. Havasi involved
munyaya dzema communities, saka vari kudawo kodzero idzodzo. We are looking at the quota
system iri kuitwa champion nevanhu. Madzimai anobva anzi takupai quota system iri kuitwa
champion nevanhu,” akadaro Mungayi
Munyori we Hope in Motion, Talent Kazingiz, akati: “Madzimai ane hurema ari kurarama
nekuraramisa mhuri dzavo kubidikidza nekutengesa. Zvino vano tengesera mumastreets,
munzvimbo dzisinga tenderwi kuburikidza nekushaiwa mukana yekupihwawo pakakodzera.
“So, they are facing some challenges neve council. Panosimuka vamwe vachitiza kanzuru
nezvinhu zvavo ivo havazo zvikwanisi nekuda kwekuti vamwe havaone, vamwe havanzwe,
vamwe kufamba chaiko havakwanise, saka vanosvikirwa pakutorerwa zvinhu zvavo zvinova
izvo zvinovadzosera kumashure,” akadaro Kazingizi.
Comments are closed.