Oita mbiri yokupomba nemukadzi mumwe chete iyeye

NaDavid Adin

211

MUMWE murume anogara kunzvimbo inonzi Sangoramambo munyika yamambo Nyamaropa
kuMadziwa Mine, kunzvimbo yeShamva, akamiswa pamberi pedare ramambo Nyamaropa mushure
mekubatwa achipomba nemukadzi waakambobatwa achipombazve naye munguva yapfuura.

Owen Neka akanzi aripe Tendai Gweshe mombe ina pavakambopinda mudare nenyaya yekubatwa
arimumba memuridzi achipomba nemukadzi wa Gweshe.
Musvondo rapfuura aripamberi pedare mupari wemhosva, Neka, akatsika madziro achiramba kuti
akabatwa kechipiri achipomba nemukadzi waGweshe.
Neka akachinja mupaka achiti mukadzi waGweshe, uyo anonzi Charity Chinake, ndiye ainge
amuchaira runhare kuti auye amuzivise kuti murume wake ainge arikuda kumuona asisina pamuviri
paaive napo apo paifungidzirwa kuti ndepaNeka.
Izvi zvose zvakapikiswa naGweshe mushure mekuburitsa humbovo wenhumbi dzaainge amutorera
pavakawanikidzwa vachipomba.
Zvinonzi musi uyu Gweshe aive akti zete aripamotabeki yake. Gare gare, ndooaakaona chikakra Neka
chichipfuura.
Gweshe ndookunyumwa, saka ndokumutevera chikara Neka chisingazivi zvirikuitika kuzosvika asvika
kumba kwake Gweshe. Ndoopaakumabata akavata nemukadzi wake vachitonakirwa havo.
Mukadzi waGweshe akabvuma zvese achiti ichokwadi ainge afonera Neka achida kumuudza kuti
murume wake akanga aramba pamuviri paive napo saka zvaiteva kuti paive pake.
Saka kuuya kwaakaita Neka ndoopaakati, kana murume woke achiti hapazi pake, zvaivatadzisa
kurara vese zvekare?
Ndoo pasina kuziva kuti gava rapinda mumusungo kusvika vazobatwa varibishi kunakirwa havo.
Mambo Nyamaropa vakaraira vese ava kuti vadzoke kudare musi 27 Zvita apo pachanzwikwa
zvizhinji nekutongwa kwenyaya iyi.

Comments are closed.