Vagari vekwaMutoko neMudzi vanopihwa huku dzekuchengeta
NaArchford Chirimudombo
MARONDERA – Mhuri dzinosvika kuzviuru zvitatu nemazana matanhatu kumatunhu eMudzi
neMutoko dzakawaniswa nhiyo dzehuku dzechibhoyi pachirongwa Presidential Poultry Programme
svondo radarika panguva iyo MMutungamiri weNyika neHurumende vari kuzadzikisa zvivimbiso
zvavo zvekubatsira vanhu nezvikwanisiro zvekuti vavandudze raramo yavo.
Mukuita izvi, hapana nzvimbo kana munhu ari kuzosaririra uye pamhuri dzakapihwa huku gumi
pamusha mumwe nemumwe, dzekwaMutoko dzaive chiuru nemakumi matanhatu kuchitiwo
dzekuMudzi dzaisvika kuzviuru zviviri.
Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemabasa nekusimudzirwa kwematunhu emuMashonaland
East Dr Aplonia Munzverengi vakasvitsa huku idzi kuvanhu vakavakurudzira kuti vadzichengetedze
sezvo dzichizovabatsira mukuvandudza hupenyu hwavo.
Pamusoro pezvo, vakatenda President Mnangagwa nekuda kwekuzadzikisa zvivimbiso zvavo kwavari
kuita kuruzhinji rweZimbabwe.
“Segurukota rinoona nezvekufambiswa kwemabasa nekusimudzirwa kwematunhu emuno
muMashonaland East, zvinondipa manyukunyuku kuti ndinge ndiri pano pachirongwa chekukupai
huku dzekuti muchengete dzichizokuitisai mari pamwechete nekuti mubatsikane pakudya nemhuri
dzenyu.
“Mutungamiri wenyika yedu, President ED Mnangagwa vari kuzadzikisa zvivimbiso zvavo zvose.
Chirongwa chehuku ichi chakaparurwa kuMasvingo uye chave kuparadzirwa kumatunhu ose
emunyika,” vakadaro Dr Munzverengwi.
Vamwe vevanhu vakawaniswa huku idzi vakatendawo President Mnangagwa nekuita uku vakatizve
vane chivimbo chekuti dzichabatsiridza mukushandura mararamiro avo.
Vachitaura nevatapi venhau, Mai Betty Dunken vekwaMutoko vakati: “Semunhukadzi, ndiri kufara
zvikuru nekuda kwekupihwa nhiyo dzangu gumi kuti ndichengete ndozokwanisawo kuzodzitengesa
kana dzichinge dzawanda. Hazvingoperere ipapo chete sezvo ndichazenge ndichizokwanisa kuwana
usavi hwekupa mhuri yangu nguva nenguva. Ndinongoda kutenda Mutungamiri weNyika yedu
nekuda kwemabasa avari kutibatira.”
Mumwe mudzimai zvakare, Mai Chipo Machabvunga vakatenda mabasa eMutungamiri weNyika.
“Kuita uku kunoratidza kuti Mutungamiri weNyika yedu haafe akatirasa uye ane zvido zvedu pamoyo
nguva dzose. Ndinongoti dai varamba vachiwedzerwa makore ekurarama kuitira kuti vagozongogara
vachitiparurira zvirongwa zvakadai zvinosimbaradza raramo yedusemhuri yeZimbabwe,” vakadaro.
Mumashoko avo, VaSaints Chabititsa vanobva mubhuku raBeto maMutoko vakati: “Ndafadzwa
zvikuru nezvataitirwa neMutungamiri weNyika yedu. Zvizhinji zvatiri kuitirwa sevagari vemaMutoko
uye dai zvikangoramba zvakadaro. Zviri kuratidza zvega kuti tinorangarirwa pane zvose zvinoitirwa
zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinopa pundutso kumunhu wese zvake zvisinei nekuti anobva
kupi.”
Comments are closed.