Kanzuru yeMarondera RDC yofambira mberi zvisineyi nezvibingaidzo

By Archford Chirimudombo

68

MARONDERA- Kunyangwe zvazvo kanzuru yemumaruwa eMarondera iri kusangana
nematambudziko, zvikuru sei ane chekuita nekukundikana kubhadhara mitero kunoitwa
nevemabhizimisi, varimi nevanhuwo, kanzuru iyi iri kuzama nepainokwanisa kuona kuti yafambisira
mabasa ayo mberi.
VaTichafara Gundo vanova musoro wechitima chekanzuru vakatura mashoko aya kumutapi wenhau
webepa rino munguva pfupi ichangodarika.
Kunze kwedambudziko rine chekuita nezvemari iri, mamwe ematambudziko ari kusanganikwa nawo
anosanganisira kunonoka kutenderwa kushandisa dzimwe nzvimbo kwavanenge vaisa pahurongwa,
kuve nevashandi vashoma, kutenga mutusva wechovhamubaiwa nemari dzekunze pamwe
nematsimba akasiiwa nedzihwamupengo reCOVID-19.
Kunewozve dambudziko rekuti kanzuru iri kuzowanikwa ichishandisa mari yakawandisa kudarika
yainenge ichikwanisa kushandisa nehau yekuda kwekuchinja kwemitengo yezvinhu.
"Sezvinowanikwawo kune mamwe makanzuru, pane matambudziko atinosangana nawo asi
kunyangwe hazvo zvinhu zvichisvika pakuoma, tiri kuedza nepatinokwanisa kuti mabasa edu
afambire mberi mune zvakanaka. Pane zvose zvatinoronga kuti zviitwe mukanzuru, tinotorawo
pamwe nekushandisa mazano evose vatinodyidzana nawo.
“Kunyangwe panhau dzemashandisirwo anenge achifanirwa kuzoitwa mari, tinonzwawo kuti vamwe
vedu vanopindira nemifungo ipi. Takwanisawo kunge tichitenga midziyo yekushandisa inotirerutsira
mumabasa akaita sekugadzirwa kwemigwagwa.
”Pamusoro pezvo, takagamuchira kufambiswa kwemashoko nemishina yechizvino-zvino kuitira kuti
tinge tichifambiranawo nenguva. Migwagwa yedu tiri kugaroona kuti yakamira zvakanaka here
kuitira kuti vatyairi nevamwewo vange vachiishandisa zvisina nyunyuto,” vakadaro VaGundo.
Kanzuru yeMarondera iyo ine matunhu maviri emumaruwa anoti rekuMabvazuva nekuMadokero
ine mari dzayo dziri muvanhu dzingangosvika kumamiriyoni makumi manomwe emadhora
emuZimbabwe. Vanhu vane zvikwereti kukanzuru vanosanganisira varimi, vemabhizimisi nevagari.
“Tine mari dzedu dziri muvanhu sekanzuru uye mari iyi inogona kusvika kumamiriyoni makumi
manomwe emdhora. Kusapihwa kana kana kuti kusabhadharwa nenguva kuri kukonzera kuti titadze
kunyatsofambisa mabasa edu mune zvakanaka sekuronga kwatinenge takaita. Kunyangwe
zvakadaro, tine nzira dzatiri kushandisa kuti tione kuti munhu wese abhadhara mari yaanenge
akatarirwa nekanzuru.
“Nzira dzekuti tibhadharwe zvikwereti zvedu dzatiri kushandisa dzinosanganisira kutumira mashoko
kune avo vane zvikwereti kubudikidza nenharembozha. Vamwe tinotoita vekuchaira nhare kwazvo.
Kana tikaona kuti pane vari kuda kuomesa misoro panhau dzekubhadhara, tinotora matanho anenge
akakodzera akaita sekutsvaga rubatsiro rwevanobata zvinhu zviri pamutemo,” vakawedzera
mashoko aya VaGundo.

Comments are closed.