Mudzimai ovhimwa setsuro

NaChenjerai Gumbeze

92

CHEGUTU – MUMWE mudzimai wechidiki ane makore gumi nematanhatu akatizira pamurume
wemukoma wake ogara mwoyo uri mumukanwa nokutya kuitwa zvose_zvose namaiguru.
Maiguru vake vava kutoita zvekutuma vamwe vanhu kumuvhima chero nguva zvadzo.
Daka pavaviri ava rakatanga apo mudzimai wechidiki uyo aigara nemukoma wake akatanga
kufambidzana nababamukuru vake kusvika patozvarwa mwana.
Zvinonzi amainini ava vakatorwa nemukoma wavo kuti vagare navo mudhorobha vachivapinza
chikoro nekuti kumusha zvinhu zvainge zvakasungwa neutare.
Murume wamaiguru,uyu anozivikanwa kunzi Tafirei, ndokuti dzawira mutswanda kunongera
hadzichanetsi.
Tafirei anonzi akatanga kubata mwana chibharo kubva paakatanga Form I kusvika azobata
pamuviri ava kuita Form II.
Sisi pavakadzidziuka munin’ina wavo akanga atozvitakura. Panonzi pakamuka bongozozo pakati
pasisi nemunin'ina zvokutotadza kugarisana kusvika murume atengera mudzimai mudiki
pekugara makare mudhorobha reChegutu.
Sisi havana kuziva kwakatengerwa munin'ina wavo pekugara, zvino vava kumutsvaga nedemo
sezvo murume asisabveko.
Kumba huru haachatsikeko. Maiguru vatove nevanhu vavo vavava kutuma kuita basa
rekuongorora mafambiro emukadzinyina wavo, uye nokuti paanogara chaipo ndepapi.
Zvino mainini pavakaziva zvirikuita mukoma wavo vava kutogara vachidedera kutyira
ramangwana ravo.
Ini handichaziva kuti sisi vangu chaivo chaivo vakundifungira chii, Ndinogona kupondwa chero
nguva nekuti vamwe vanhu vakunditsvaga handichavanzwisisa.
“Kungoti havandizive zvakanaka chete, pavachandiziva handizive kuti chii chaizvo chichaitika
kwandiri,vakadaro mainini.
Tafirei anonzi kumba huru haachatombotsikako kusara chete paanotombonodongorera vana vavo
vaviri.
Kana mari chaiyo amaiguru havachaibate nokuti amainini ndivo vave kutonga. Tafirei
anoshandira kambani huru kwazvo yezvicherwa kuMhondoro.

Amaiguru vakatomboshuva kuzvipfuudza nechiitiko chekutorerwa murume nemunin’ina
wavaichengeta vachimuitira zvose nepavaigona napo.
Parizvino hapana chirikunyasobuda chaicho kuti amaiguru vakunyatsoda kuita zvipi chaizvo
kumudiki wavo.
Tafirei haana kusimudza runhare rwake apo pepa rino raizama kuti rinzwewo kuti chii chaizvo
chirikuitika pakati pake iye nemadzimai vake vaviri vanova vana vanyamunhu.
Kubatwa zvibharo kwevanasikana kurikuenderera mberi kunyanya nemabhinya akunyengedza
vana netwumari twushomanana.
Mumwe musikana wechikoro akabatwa chibharo asi bhinya racho rakanyengetedza vabereki
vemwana kuti richaenderera mberi nekuendesa musikana uyu kuchikoro uye richada kumuroora.
Ongororo inoratidza pachena kuti mabhinya mazhinji ndeepedyo pedyo kana kuva ehukama.
Mapurisa anogara achikurudzira vabereki kuti vagare vakatarisisa vana uye kumhang'ara nyaya
dzine chekuita nekushungurudzwa kwevana.

Comments are closed.