Kanzuru yeGweru yoda kumisa basa vashandi 600
SHONA – Meya weGweru, Kanzura Hamutendi Kombayi vakati Kanzuru yavo haisisina mari
nokudaro iri kuda kumisa basa vashandi vangangodarika mazana matanhatu (600) senzira
yokuderedza uwandu hwemari iri kuburitswa pakubhadhara vashandi.
Parizvino kanzuru yeGweru ine vashandi vangangosvika churu nemazana mana (1400) kusanganisira
vanoshanda vari pamakondirakiti. Mumakore matatu apfuura, kanzuru yaifunga zvokuderedza
uwandu hwevashandi vayo nechidimbu chepakati.
VaHamutendi Kombayi vakati vashandi vangongosvika mazana matanhatu vanofanirwa kumiswa
basa kuitira kuti kanzuru ishande zvakanaka.
Vakati mari iri kudiwa pakuita basa yakawandisa zvinova zvinoita kuti kanzuru itadze kuita mabasa
ainotarisirwa kuita nevagari uye vanobhadhara mitero.
“Ndinozviziva kuti handingagoni zvose asi panofanirwa kutorwa matanho akasimba kuti kanzuru
yeGweru ishande zvakanaka” vakadaro VaKombayi.
Vakaenderera mberi vachiti, “Chokutanga ndechokuti hatingavi nomutungamiriri wechikamu
chinoona nezvekufambiswa kwemari VaChuru, vaine vatevedzeri vaviri VaMasimba naVaVerenga
uye izvi zviri kuitika muzvikamu zvose zvekanzuru. Tiri kuti vashandi vedu vanoda kubhadharwa
vakawandisa zvinova zviri kukonzerwa nezvidanho zvepabasa zvakawandisa. Izvi zviri kuita kuti
zvinhu zvisafambe nemazvo uye chimiro ichi chiri kuwanikwa mukanzuru ino yoga ndichitarisawo
mamwe mapoka andinoshanda nawo. Vamwe vari kuderedza uwandu hwezvidanho zvepabasa uye
mari yatiri kuda pakuita basa yawandisa zvoita kuti kanzuru isare isina mari muhomwe.”
Hatisi kushandira kuita kuti mari isare muhomwe medu asi uwandu hwemari inodiwa pakuita basa
yakawandisa zvinova zvave kutitadzisa kuita basa zvakanaka uye izvi zviri kutirwadza,” vakadaro
Meya.
VaKombayi vakati izano rakanaka kumisa basa vashandi vangangosvika mazana matanhatu (600)
sezvo vamwe vavo vachifungidzirwa kuti vakapinzwa basa neMakanzura nokuda kwekuti
vanovatsigira mune zvematongerwo enyika.
Vakaratidza kushushikana nokuda kwokuti vamwe vevashandi vakapinda basa nokuda
kwezvematongerwo enyika havasi kuuya kubasa asi vachibhadharwa mihoro yavo panopera mwedzi.
“Nyaya yokutanga inorwadza ndeyokuti basa ratinotarisirwa kuita rakawanda asi tiri kufanira
kumisa vamwe vashandi basa vangangosvika mazana matanhatu nechikonzero chokuti vaipinzwa
basa nezvematongerwo enyika. Makanzura vaishandisa zvigaro zvavo kupinza vashandi basa asi
chidimbu chevashandi ava hachiuyi kubasa,” vakadaro Meya Kombayi.
Kunyangwe zvakadaro, Meya havana kataura kuti kanzuru yakagamuchira here zano rokuda kumisa
vashandi basa kana kuti ongororo yemabasa ekanzuru yakaitwa here.
Anotungamirira Gweru Residents and Ratepayers Association (GRRA) VaCornelius Selipiwe vakati
havana dambudziko nazvo kana kumiswa basa kwevashandi kukaitwa kuchitariswa umboo
hwechokwadi.
SHONA
Vakati harisi zano rakanaka kuti kanzuru imise vashandi basa pasina kuitwa tsvakurudzo yakanaka.
Vakaenderera mberi vachiti, “Kana kumisa vashandi basa uku kuchienderana nezvinenge zvabuda
mutsvakurudzo, hapana chakaipa… Kana muchimisa vashandi basa, panoda kunyatsoitwa ongororo
yakanaka yebasa rinoda kuitwa uye vashandi vamuinavo…chatinoda umboo hwakazara…”
Anotungamirira GRRA akati kanzuru iri kutadza kushandisa nemazvo mari yairi kuwana kubva
kuvagari uye vamwe vavanoshandidzana navo.
VaSilipiwe vakati kanzuru inofanirwa kutsvaga mazano okusimudzira zvikamu zvinounza mari
zvakaita seGo Beer Breweries neQuarry Mine uye kushandisa nemazvo zvinhu zvavanazvo kuitira kuti
kanzuru iwane mari.
Zvichakadaro, vachitaura panyaya yanetsa yezvemarobhoti asingashandi mudhorobha reGweru,
VaKombayi vakati utungamiriri hwaivepo kubva mugore ra2013 hwakakundikana kugadzirisa
marobhoti aya.
Vakati zvakare vari kuedza napose pavanogona napo kuti marobhoti agadziriswe pamwe chete
nokuvandudza migero inofambisa mvura.
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
Language Institute
Comments are closed.