Mutsvangwa Secondary yowana rubatsiro kubva kuNOIC

Sharon Chigeza

393

CHIMANIMANI EAST- Mukubatsira hurongwa hweHurumende hwekuwanisa zvivakwa nedzimba
dzekufunda, kambani yeNational Oil Infrastructure Company of Zimbabwe (NOIC) yakapa dzimba
dzekudzidzira ina dzakagadziriswa zvakange zvakaparadzwa neCyclone Idai paMutsvangwa Secondary
School kuChimanimani.
Chirongwa chekuvandudza zviwakwa izvi uye 12 500 yemabhuku ekunyorera zvakasvika pamutengo
wakakwana $136 000.
Pamusangano wekupa rubatsiro urwu, gurukota rezvemhando dzemoto nekusimudzirwa kwemagetsi,
Soda Zhemu, vakaombera mutsa wakaitwa neNOIC vachiti unoenderana nezvakataurwa naPresident
Mnangagwa zvekusasiya munhu uye kusava nenzvimbo dzinosara mukuzadzikisa Vision 2030.
“Kubva payakavambwa, NOIC yakapinda muzvirongwa zvakawanda zvinotsigira zvirongwa
zvehurumende mukusimudzira zvivakwa zvakanangana nezvikoro nezvipatara. Rutsigiro rwakaitwa
kunyanya munharaunda dzakakomborerwa.
“Chiratidzo chakanaka chekufambisa kuwaniswa kwedzidzo kuvana vari munharaunda dzisina kurongeka
chinofambirana nekutaura kwemutungamiri wenyika yedu kwekusasiya munhu uye pasina nzvimbo
kumashure apo tiri kuenda kuChiono cha2030,” vakadaro.
Vachipa chipo ichi, sachigaro webhodhi reNOIC, Engineer Daniel Mackenzie Ncube vakati ibasa ravo
kubatsira zvirongwa zveHurumende mukusima mari mudzidzo yenyika.
“Tichifambirana nedonzvo redu rekudyara mari mudzidzo yerudzi rwedu, takaona Mutsvangwa
Secondary School sechikoro chakakodzera. Tinotenda kuti ibasa redu semakambani, kunyanya ayo ari
eHurumende, kubatsira pese patinokwanisa,” vakadaro.

Comments are closed.