Kanzuru yeGweru Yoisa Mita Zana dzeMvura Inobhadharwa Isati Yashandiswa
Kanzuru yeGweru yakatanga chirongwa chokuisa mita dzemvura inobhadharwa isati yashandiswa
munzvimbo dzinogara vanhu nechinangwa chokuvandudza kuunganidzwa kwemari, kushandiswa
kwemvura uye kuitira kuti vanhu vabhadhariswe miripo inoenderana nekushandiswa kunenge kwaitwa
mvura.
Kanzuru yeGweru ichatanga nokuisa mita dzemvura dzinokwana zana munzvimbo dzinoti Ivene,
Southview neSouthdowns.
Musi wa29 Mbudzi 2022, Kanzuru yeGweru yakapa chiziviso kune voruzhinji apo yakati, “ Tinoda
kuzivisa vagari veGweru, vanoshandisa mvura yekanzuru nevanoshandidzana nesu kuti tiri kumbotanga
neIvene, Southview neSouthdowns uko tichaisa mita dzinokwana zana dzemvura inobhadharwa isati
yashandiswa kuti timboona kuti chirongwa ichi chinobudirira zvakadii. Mushure mokuita ongororo mita
idzi dzichaiswa munzvimbo dzataurwa idzi.
Anotaura akamirira Kanzuru yeGweru Vimbai Chingwaramuse akati kanzuru iri kufara nechirongwa
chokuisa mita dzemvura inobhadharwa isati yashandiswa zvinova zvinoita kuti vagari nevanobhadhara
miripo vakwanise kubhadhara mvura yavanoshandisa pamwedzi woga woga.
Kana chirongwa ichi chakabudirira chichabatsira vagari vemuGweru avo vainyunyuta pamusoro
pokubhadhariswa miripo yemvura yakapfurikidza mwero asi mvura yacho isingawanikwi zvachose.
Vimbai Chingwaramusee akati, “ Vagadziri nevatengesi vemita idzi ndivo vari kutipa pachena kuti tiite
chirongwa ichochi chokuona kuti zvinobuda sei sechinhu chiri kuitwa kekutanga. Munhu wose achava
pakati pevanhu zana(100) vachasarudzwa haasi kuzobhadhara muripo wokuisirwa mita iyi.”
Akaenderera mberi achiti, “ Izvi zvichabatsira vagari vemuGweru kuti vayanane nekanzuru uye kuti
vaone kufambirana kwemuripo wavanobvisa nemvura yavanenge vachishandisa.
Chingwaramusee akati chirongwa chokuisa mita dzemvura inobhadharwa isati yashandiswa chakabuda
muchibvumirano chakaitwa mumusangano wezvemashandirwo emari pakati pevagari vemuGweru
neavo vanoshandidzana nekanzuru.
SHONA
Akatsanangura zvakare achiti kana chirongwa ichi chikabudirira kanzuru ichanyorerana Chibvumirano
(MoU) nevanogadzira nokutengesa mita idzi kuitira kuti dziiswe muguta rose.
Chirongwa ichi chichaitwa kwemwedzi miviri kuIvene, Southview neSouthdowns sezvo nzvimbo idzi
dzisina dambudziko rokushaya mvura nguva zhinji kuitira kuti kanzuru ikwanise kuita ongororo yayo
inogutsa.
Mufundisi David Chikore vanova mutungamiriri weboka reGweru United Progressive Residents and
Ratepayers Development Association vane chivimbo chokuti chirongwa chokuisa mita dzemvura
inobhadharwa isati yashandiswa chicharerutsira vagari vemuGweru nevanobhadhara miripo kukanzuru
apo vakati, “ Tinovimba kuti chirongwa ichi chichabudirira kuitira kuti vagari vemuGweru vabude
mudambudziko ravanga vachisangana naro.”
Vakapfuurira mberi vachiti, “ Zvisinei , tinonzwisisa kutambura kwatanga tichiiita sevagari vemuguta rino
nokuda kwekubhadhariswa miripo yakadarikidza mwero pachinhu chisingabudi mupombi zvachose.”
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
Language Institute
Comments are closed.