MARONDERA- Tichitanga gore idzva kudai, zvakangonaka kuti tizongowanikwa tiri vanhu
vanowadzana mumagariro edu munharaunda dzakasiyana-siyana mumativi mana enyika.
Hazviwanzoitika nguva dzose asi ndinoda kuti tinge tichidzidzisana kubudikidza nemashoko maviri-
matatu zvinotarisirwa kubva kwatiri uye zvatingaite zvinoumbiridza magarisirano edu nevamwe.
Izvi ndichangoita zvekubvuraudza-bvuraudza sezvo zvakati wandei uye ndinoziva kuti panotova
nezvizhinji zvandichasiirira asi muchizviziva.
Pane mbatya dzatinoti dzekupfeka pamba kana dzatinoti dzekupfeka tichiita tumabasa twepamba.
Tinofanirwa kunge tichipfekawo zvekuti munyarikani akangoerekana atisvikira, hatizopererwa kana
kushaya pekupinda nekuda kwenyadzi.
Ngatiiteiwo kuti vana vedu vazive kumusha kwevabereki vavo vose nehama dzevabereki vavo vose.
Vasawandire kudivi rimwe. Imi anababa, zvakakosha kumboshanyawo kumisha yemadzimai enyu
pasina zvaitika uye mova nekudyidzana kwakanaka nemadzitezvara enyu.
Kunyangwe zvikaoma sei, kana kumusha kwemadzitezvara enyu kukaitika dambudziko, anababa
vavariraiwo kunobatirana nemadzitezvara enyu kwete kungotumira madzimai oga kuti vanomira
voga. Varipo vane tsika yekungotumira madzimai avo kunhamo dzekumisha yavo.
Vana vedu tivadzidzisewo kushanda chero tiine vanotibatsira mabasa epamba. Pane vatiri
kuremadza zvekuti anotosvika pakubva zera asingagone kuzviwachira chero nedzokono zvaro
achingoitirwa. Tivadzidzisewo kuzvirongedzera mbatya dzavo. Hupenyu uhu hunongoshanduka
chero nguva.
Hazvina kunyanya kunaka kuti kese kese zvako kachemerwa nemwana tobva tatomuitira. Tinenge
tichivaremadza. Hapana mwana akambofa nekuchema nekuti akajaira kuti zvese anoitirwa. Imwezve
nyaya ndeyekuti vasajaire kungowana zvinhu nyore nyore. Pamwe pacho, zvinoda kuti vazive kuti
zvinhu zvinomboshaika.
Kune vaya vane mhuri, chero tagumburana zvinengei tisatukana kana kurovana pamberi pevana.
Zvinovakanganisa kwehupenyu hwese kana nemudzimba dzavo dzavanozoenda. Tikazvitsvaka zviri
kuitika muwanano zhinji zviri kukonzereswa nezvataiona zvaiitwawo nevabereki vedu.
Kunyange tikatsamwiswa nevabereki vedu zvinengei, tisasimudza maoko edu kuti tiaturike
pamusoro pavo nekuti tikadaro tinenge tazvitsvakira rushambwa rwakaipisa runosvika kuvana vedu.
Tisaita tsika yekuti wese achembera atove muroyi nekuti nesuwo tichachemberawo. Vana
vaakutoziva kuti machembere edu varoyi zvekuti pavanotishanyira vana vanenge vachitotambira
kure navo. Inga varikowo wani vari kutoroya vasati vachembera. Hameno kuti zvakabva nepi zvekuti
munhu akaita amwene ari muchembere atove muroyi zvekuti vana havatenderwe kusvikako.
Vabereki idaiwo vana venyu vose nezvavari. Vanokutsvakirai huni vadei semadiro amunoita avo
vanouya kamwe pagore nemagirosari. Chengai ose manhanga hapana risina mhodzi.
Tisave vanhu vanoziva zvose. Hakuna munhu anoziva zvose kuti tive vanhu tinofanira kutowanawo
dzidziso dzinobva kune vamwe.
Kune vamwe vanoti vanozviraramira voga, imbofai muone kuti munozviviga moga here. Mwari
vakatotisika takawanda nekuti vaitoziva kuti hupenyu kuti huendeke hunotoda kukomberedzwa
nevamwe vanhu. Muupenyu hakuna munhu anonzi haana basa. Tizive kuti munhu nemunhu
anotove nezvaakakoshera ndosaka Mwari vakatomusika ari zvaari.
Mumhuri umu ngatidanei kwazvo zvine zvazvakakoshera muhupenyu hwanhasi nehwamangwana.
Tine vana vedu vane misikanzwa, tiedze kuvatsiura kana kumbobata rushamhu rwekuti vasajairire
kugara pamatafura.Kana vazvijaira vanongozozviita chero pane vanyarikani.
Ndinovimba kuti muchave na2023 akakomborerwa.
Comments are closed.