Migwagwa yoita sekunokorokozwa

NaBathel Shuro

46

CHEGUTU–MIGWAGWA yemuChegutu yoita sekunge nzvimbo iri kucherwa goridhe izvo
zvirikuita kuti vanhu vatadze kufamba zvakanaka kunyanya munguva ino yekunaya.
Vagari vemuChegutu vari kugunun’una pamusoro pemigwagwa yakasara isina kugadzirwa
kunzvimbo dzinogara veruzhinji inoti Chegutu nePfupajena.
Migwagwa iyi yakacherwa gore raapfuura kanzuru ichigadzira matengi nemapaipi anofamba
netsvina.
Pakapedza kanzuru kuchinja mapaipi aya muna Nyamavhuvhu mimwe migwagwa yakangosiiwa
yafushirwa nemavhu zvekungovhara mapaipi uye kuti mavhu asaite zvitutu zvitutu munzira.
Vanhu vakatozopedzisa kugadzira migwagwa iyi pachavo zvekungoti pakwanise kufambika
chete sezvo nguva yakanga yareba vakangotarisira kuti kanzuru ichapedzisa basa rayainge
yatanga.
Zvino nekunaya kwemvura migwagwa yacho yavekuzara madhaka zvekuti vanhu vanoshaya
pekutsika uye imwe migwagwa inojenga mvura zvekuti hapana pekuti munhu angapinde napo,
“Nguva ino yekunaya road dziri kuita madhaka zvinokonzera vanhu kudonha vachityoka zvakare
tractor yemarara haikwanise kupinda kuzotora marara inogona kunyura.
“Nguva ino yemango kana marara akasatakurwa nhunzi dzinowanda zvinokonzeresa manyoka
mucommunity,” akadaro Miriam Mafuta.
Mumwe mugari wemunzvimbo iyi anozviti Mai Kiki akati:“Zvimwe zvinhu kanzuru inofanira
kuona yega. Hapana zvatinenge tichifanira kutaura nekuti munhu wese arikuona kuti migwagwa
iyi haichaiti.
“Kanzuru yedu yakagona kugadzira masewer nokuti aive asingachaite asi pakuzosiya migwagwa
isingafambiki zvave kutokanganisa basa rakanaka ravakaita.”
Mutauriri wekanzuru yeChegutu, Brian Nkiwane, akati kugadzirwa kwemigwagwa iyi kwaive
kuri pasi peBazi Rezvekufambisa (Ministry of Transport).
“Maroads aya aiitwa neMinistry of Roads. It was a government project whereby macouncils
aipihwa mari kubva kuMinistry.
“The project was administered at a provincial level. Hurumende ndiyo yaigadzira maroads, kuita
matender, zvese zvaiitwa neMinistry of Roads.”
Vakapikisana nechirevo chekuti vanhu ndivo vakazogadzira migwagwa iyi voga.
“Council taizongo monitor progress, saka Ministry payakati ikozvino hakusisina mari maroad
takakwanisa kumavhura. Havasi vanhu vakavhura.”

Nkiwane akati zvakare maproject aiitwa nema kambani akazvimiririra aibhadharwa
nehurumende asi parizvino akambomira nekuda kwezvikonzero zvemari.
Zvisinei mumwe mushandi weBazi rezvekufambisa asina kuda kudomwa nezita rake akati kana
migwagwa iyi yakacherwa pachigadzirwa mapaipi inoenda pasi pekanzuru, Bazi ravo rinoona
nezve migwagwa mikuru (trunk roads).

Comments are closed.