Nyakupfura vanhu kuHwedza akasungwa

NeMunyori weChaminuka

57

MARONDERA- Murume wekuHwedza wekumboita mbiri yashata pamadandemutande
mushure mekunge auraya vana vatatu vanosanganisira muporofita, mupurisa nemutengesi
wepane chimwe chitoro akapfura zvekukuvadza zvakaipisisa mumwezve mupurisa
akasungwa munguva pfupi ichangodarika achiedza kutizira kunyika yeMozambique.
Mapurisa emuMashonaland East akatsinhira nyaya yekusungwa kwaJaison Muvhevhi uyo
aimboshanda semupurisa ari kubandiko reCriminal Investigations Department (CID)
kuKadoma.
Zvinonzi izvo Muvhevhi akaonekwa ndokuzivikanwa nemhomho yevanhu paainge oda
kukwira kombi kuManica, Mozambique ndokusungwa nemapurisa emunyika iyi.
Asati asungwa, murume uyu ainge apfuura nepachikoro cheMutare Boys High uko anonzi
akaregedzera mabara matatu akapotsa mumwe mugari wepachikoro ichi uyo anonzi ainge
avhiringidza hurukuro dzaaiita nemumwe mushandi wepo achida kuti amubikire sadza.
Ainge asangana nemushandi wechikadzi uyu uyo aibva kunogeza ndokumuburitsira mari
inosvika madhora gumi ekuUnited States of America kuti atenge huku yekumubikira. Zvose
izvi zvaive mumaziso anyakupotswa nemabara matatu, Raphel Nyahwema ane makore
makumi maviri nematatu ekuberekwa, uyo anova mwana wemushambidzi wepachikoro ichi.
Mushure mekukanyirwa hurongwa hwake, Muvhevhi anonzi akazonyangarikira mudondo
raive pedyo ndokupinda muMozambique umo akazosungirwa.
Vamwe vevanhu vaakapfura nepfuti vakafa vanosanganisira vaive mukuru wemapurisa
Inspector Maxwell Hove vaive nemakore makumi mana nemataty vaishandira paZRP
Hwedza Camp, muporofita Crispen Mubvana Kanerusine (aive nemakore makumi
matanhatu nemaviri ekuberekwa) wemuraini rekwaZinzombe kuHwedza naMunashe
Mujanhi (aive nemakore makumi maviri ekuberekwa) wemuraini rekwaMujanhi kuHwedza
kwakare.
Mupurisa wekupfuurwa ndokukuvadzwa anonzi Tendai Mugova.
Pakunyorwa kwenyaya ino, Muvhevhi ainge adzorwa kuZimbabwe uye aitarisirwa kumira
pamberi pedare.

Comments are closed.