Zvimwe zvikwata zvenhabvu zvemuMash East zvingangorambidzwa kutamba
NeMunyori WeChaminuka
MARONDERA- Zvikwata zvenhabvu zvinotambira muligi yeZIFA Mashonaland East
zvingangorambidzwa kutamba bhora muligi iyi gore rino kana zvikatadza kubhadhara
zvikwereti zvazvo dzemari dzegore rakapera.
Gore rakapera, zvikwata izvi zvinosanganisira zvakagara zviriko nezvakatanga kutambira
muligi iyi gore rakapera uye zvakagara zviriko zvaitsungirwa kubhadhara mari inosvika
madhora mazana makumi matanhatu nemakumi mashanu ekuUnited States of America
kuchitiwo zvitsva zvaitsungirwa kubhadharawo madhora mazana manomwe nemakumi
mashanu mamwechetewo.
Zvikwata zvinosanganisira cheFC Hunters, Chivhu, Kotwa United, Rusununguko, Hukuru, Ben
Academy, Naireshanzi, Sambok, Juru Students, Kanyongo, Ruwa Sports, Auto Beatrice
necheAll Stars ndizvo zvaive muligi iyi mwaka wapfuura.
Pane zvizhinji zvakangobhadhara mari shoma zvikavimbisa kuzopedzisa kubhadhara imwe
yacho asi zvikakundikana kuita sekudaro zvinova zvinonzi zvakavhiringidza kufambiswa
kwemabasa kusangano reZIFA remupurovhini ino.
Mari dzezvikwereti dzine zvikwata izvi kusangano iri dzinosvika kuzviuru zvisere zvemadhora
ekuUnited States of America.
Mukuru wesangano iri VaOscar Tsvuura vakaudza bepanhau rino kuti nyaya iyi ichange
ichikurukurwa zvizere pamusangano wepagore uchaitwa munguva shoma iri kutevera.
“Tine mari dzakawanda dzisina kubhadharwa nezvimwe zvikwata mumwaka wedu
wenhabvu wegore rakapera uye kuita uku kwakativhiringidza mashandiro. Tine mari
dzatinenge tichifanirwa kubhadhara mwedzi wega wega dzakaita sedzemvura, magetsi,
mahofisi atinoshandisa, misangano nezvimwe zvakawanda zvinoita kuti hofisi yedu inge
ichifambisa basa rayo zvakanaka sezvinotarisirwa.
“Zvikwata zvose zvine chikwereti nesu zvinogona kumiswa kutamba muligi yedu kusvika
mari idzi dzabhadharwa. Tikavarerutsira, tinogona kuvati vabhadhare zvidimbu zvemari
dzesangano redu dzavasina kubhadhara gore rakapera,” vakadaro VaTsvuura.
Comments are closed.