Beitbridge ichabata mhemberero dze World Radio Day

Sharon Chigeza

MUTARE-Zimbabwe ichacherechedza zuva reWorld Radio Day muguta reBeitbridge panguva imwechete
bazi rezvekuburitswa kwemashoko nekutepfenyura richichitambira kuvhurwa kweShashi Community
Radio Station apo dunhu reSecond Republic riri kuramba richivhura nhepfenyuro munyika.
Zuva reWorld Radio Day rinocherechedzwa nemusi wa13 Kukadzi gore rega rega pasi rose.
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau kwaMutare nguva pfupi yadarika, gurukota
rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, Monica Mutsvangwa vakatsanangura mhemberero
dzegore rino sedzinonyatsoenderana nemamiriro akaita hupfumi hwenyika nedingindira remhemberero
idzi riri kufambirana nevhangeri rerunyararo pamberi pesarudzo dzichaitwa gore rino.
“Dingindira regore rino reWorld Radio Day rinoti, ‘Radhiyo neRunyararo’ rinoenderana neZimbabwe apo
tiri kupinda musarudzo mukupera kwegore rino. Zvakadai, VaEmmerson Mnangagwa, vemachechi
nevagari vemunyika vari kutidaidza tose kuti tigare murunyararo nekusingaperi sezvo tichivaka nyika
yedu,” vakadaro gurukota Mutsvangwa.
Second Republic yakaita zvakawanda mukuvhura nhepfenyuro zvichitevera kupihwa rezenisi kweStar Fm
pasi peZimbabwe Newspapers Limited (Zimpapers) neZiFM pasi peAB Communications pamwe
nenhepfenyuro dzepachikoro kumayunivhesiti.
Gurukota Mutsvangwa vanoti kuuya kwenhepfenyuro gumi neina munyika muno mucherechedzo
wekuzvipira kweSecond Republic mukuwedzera kufambiswa kwemashoko pamwe nekuwanisa vechidiki
nzira dzekutaridza tarenda ravo.
“Radhiyo haichagumiri pakuva nhepfenyuro yekutepfenyura asi nhepfenyuro dzese dzava nevezve social
media uye dzakazvigadzirisa. Nekuuya kweshanduko yedhijitari uye kodzero dzedhijitari, redhiyo
sezvakangoita mamwe marudzi enhau yakave neshanduko yedhijitari. Mapoidikasiti akawanda, maIP
akagadzirwa nedigital uye masocial media aita kuti redhiyo iwanikwe nevanhu vakawanda muZimbabwe
nepasi rose. Chokwadi redhiyo haisiye chero munhu uye chero nzvimbo kumashure.
“Tinotenda kuti budiriro huru iyi yatakaita mumakore mana adarika eSecond Republic yekupa
marezinesi nhepfenyuro gumi nemana inofanirwa kupembererwa paShashi Fm. Kuuya kwenhepfenyuro
idzi kwawedzera mikana yekupanana ruzivo uye kwawedzera mukana wevechidiki kuti varatidze
hunyanzvi hwavo,” vakadaro.
Kunyangwe kuve nemakore anopfuura zana, redhiyo ndiyo imwe yenzira dzakakurumbira dzekutsinhana
ruzivo, kupa hurukuro yemagariro uye kudzidzisa vanhu pasi rese.

Nhepfenyuro inogona zvirokwazvo kukuchidzira kukakavara asi redhiyo yenyanzvi inodzikamisa
kusawirirana , ichidzivirira makakatanwa kana kuunza nhaurirano nekuvaka patsva.

Comments are closed.