Mubati wechibharo akaponeswa nemakore ake uhudiki

NaSelina Mapokotera

MARONDERA-Mukomana ane makore gumi nemana aive mudare panguva pfupi yadarika
akabatwa nemhosva yekushungurudza kasikana kane makore mashanu ekuberekwa panyaya
dzepabonde kemudunhu rekwaNhata pasi paMambo Svosve muHwedza gore rakapera.
Mupari wemhosva uyo anga akamiririrwa naLydia Jani anoramba mhosva yaakatarisana nayo
mudare achiti ainge asiri iye nyakupara.
Zvinonzi chiitiko ichi chakatora nzvimbo musi wa8 Kukadzi gore rakapera panguva dza4
manheru mudunhu rekwaNhata pasi paMambo Svosve , mushure mekunge mupari
wemhosva aenda kumba kwemumhan’ari ,uko akanomudhonza pamwe nekumuradzika pasi
achimubata chibharo pamberi pehanzvadzi yake.
Gweta remusungwa rakaramba mhosva richitevedzera mutemo unonzi Codification and
Reform Act , uye vanojekesera dare kuti zveshuwa akaenda kumba kwemumhan’ari asi ainge
afambira mvura chete zvakanga zvisinei nekubatana chibharo.
Vanotizvee musungwa akakatyamadzwa nazvo paakaoma mapurisa achiuya kuzomusunga
uye vanowedzera vachiti pane nenyaya yekubirana yakambenge yanetsa ingangova yaita
vanhu vapinde mudare.
Muchuchisi wemudare akabudisa zvinyorwa zvekwachiremba pamwe nebepa rekuzvarwa
kwemwana kuti zvive zvichizoshandiswa seuchapupu pamberi pedare , izvo gweta
remusungwa Lydia Jani akabvumirana nazvo.
Pakubvunzurudzwa nemuchuchisi , mumhan’ari akataurira dare achiti akabatwa chibharo
kuseri kwemba , apo akasundidzirwa pasi zvichiita arare pasi, nyakupara achienda pamusoro
pake kusvika pakuzomubata chibharo.
Hanzvadzi yemumhan’ari yakauya zvee mudare ichidonongodza maitikiro akaita nyaya iyi
sezvo aivepo panguva yakabatwa hanzvadzi yake chibharo nemusungwa.Anoti panguva
yaaitamba mutambo wekujamba , musungwa akauya achibva atangawo kutamba kusvika
azomhanya achienda nekuseri kwemba uko kwaitamba mumhan’ari nemagaba ake uko
akazotevera achinoona zvose zvakaitika pazuva iri.
Apedza kubata chibharo, mupari akasiya achityisidzira hanzvadzi yemumhan’ari ine makore
gumi nerimwe kuti asaudze chero ani zvake izvo zvakaita atye kutaura nyaya iyi sezvo
vaidzidza pachikoro chimwe chete.
Muchuchisi wemudare akadeedza amai vemumhan’ari avo vanotaurira dare kuti chiitiko ichi
chakaitika mushure mekunge vasipo asi , vanoti vakaudzwa namwanasikana wavo uyo

akavatevera kumunda achinovaudza nezvekushungurudzwa kwake panyaya dzepabonde
kwaainge aitwa nemumhan’ari izvo zvakaita kuti vaende nemwana kuchipatara pamwe
nekuudza mapurisa.
Chero zvazvo vafakazi vese vakapupura mudare , gweta remusungwa Lydia Jani anotsika
madziro kuti zvose zvainge zvataurwa ainge ari manyepo sezvo musungwa atsanangurira
dare kuti paainge aenda kunochera mvura haana kubvira asvika pamusha wemumhan’ari uye
aive achipomerwa sezvo mwanakomana wavo akamboba mari achibva aichengetesa mupari
wemhosva.
Mutongi Ignatius Mhene vakatarisa pauhuchapupu hwese hwakange hwapihwa mudare
nevakafakazi , vakaona pasina kana kunyepa panyaya yavo .
Pakupa mutongo vakatarisa makore emumhan’ari , uye akanga achiri mwana mudiki
kusvikira zopihwa mutongo wake wazosendekwa parutivi kwemakore mashanu , asi
pamakore mashanu aizotevera aisafanirwa kupara mhosva yakaita seiyi zvakare.

Comments are closed.