Gweru ine mabhiriyoni gumi nemaviri ($12 billion) emadhora arimuzvikwereti, uye inokurudzirwa kukoshesa kuwaniswa kwemvura

30

SHONA — Vatungamiri veKanzuru yeGweru vanofanira kukoshesa kuwaniswa
kwemvura muguta sezvo parizvino, kupombwa kwemvura kwaderera
zvakanyanyisa zvichitevera kutadza kuita basa nemazvo kuri kuramba kuchiitika.
Izvi zvakonzera kuti vagari vawe nechikweteri chemadhora mabhiriyoni gumi
nemaviri kukanzuru.
Parizvino, Gweru inopomba mamegarita makumi matatu nemanomwe (37) emvura
pazuva kana zvichienzaniswa nemamegarita zana nemakumi maviri (120) anodiwa
pazuva roga roga.
Hurumende pamwe nekanzuru yeguta iri zvakaedza kugadzirisa dambudziko iri asi
hazvina kubatsira sezvo kanzuru yakatenga michina inopomba mvura isiriyo apo
vanga vabva mukutenga tiranzifoma isiriyo zvekare.
Vachitaura pamusangano mukuru wekanzuru wechi699, Meya weguta, Kanzura
Hamutendi Kombayi vakati vatungamiri wekanzuru vanofanira kuisa mari
yakawanda kune zvokuwaniswa kwemvura.
Meya akashoropodza utungamiriri uhwu nokuda kwokutadza kutanga vaita
tsvakurudzo yakazara paida kutengwa tiranzifoma uye michina yokupombesa
mvura.
“Tinofanirwa kukoshesa kuendesa mari pakutenga tiranzifoma nezvimwe zvinhu
zvinotipa magetsi,” vakadaro vachiwedzera kuti vagari vemuGweru vari
kutambudzika nokuda kwekuti kanzuru iri kutadza kuita tsvakurudzo yakasimba
isati yatenga zvainoda.
Vakatiwo guta rinonyanya kuona mari kuburikidza nokubhadharwa kwemvura asi
vanhu havasi kubhadhara nokuti kanzuru iri kutadza kuwanisa vanhu mvura.
“Parizvino tine mari inoita madhora mabhiriyoni gumi nemaviri iri muvagari
nokuti vanhu havasi kubhadhara sezvo tiri kutadza kuvapa mvura,” vakadaro
VaKombayi.

SHONA

Kanzura weWadhi 14, VaDanny Ndava, vanoti zvinovashungurudza kuona kuti
vatungamiri vari kugutsikana nekupomba mamegarita makumi matatu
nemanomwe (37) chete pazuva.
“Kupombwa kwemvura kwakaderera kwaiperera pamamegarita makumi mana
nemashanu (45) asi imi muri kutogutsikana kupomba mamegarita makumi matatu
nemanomwe (37). Tinofanira kukoshesa chikamu ichi kuti tikwanise kudzokera
mukupomba marita asiri pasi pemamegarita makumi mana nemashanu (45),”
vakadaro VaNdava.
Mukuru wechikamu cheEngineering, VaMasauso Store vanoti hapana magetsi
akawakana pamuzinda unopombwa mvura kuDhamu reGwenoro.
Vakati ongororo yokuferefeta mafambisirwo akaitwa mari panyaya yokutengwa
kwetiranzifoma iri akatoitwa.
“Takatoita kuti tiranzifoma itengwe zvakare, uye kana yaunzwa, tichakwanisa
kuwedzera marita anosvika mamiriyoni gumi nematanhatu (16) emvura pazuva.
“Takaita kuti zvikwenyamagetsi zvitengwe zvakare kari kechina uye rinenge
rotoshanda mumwedzi miviri kana mitatu inotevera. Kana zvose zvikafamba
semarongero atakazviita, tinofanira kunge tawedzera mamegarita makumi maviri
(20) muguta panopera gore rino,” vakadaro VaMasauso Store.
Chikwenyamagetsi chakafa chiri kutogadzirwa.
Kanzuru yakanyengedzwa ikatenga tiranzifoma ye0,9 MVA ichinzi yaive ye2
MVA. Tiranzifoma ye0,9 MVA iyi yakakundikana kuita zvaitarisirwa.
Kanzuru yakundikana kuwanisa vanhu mvura muguta uye dzimwe nzvimbo dzave
nemwedzi yakawanda dzisina mvura.

Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State
University National Language Institute.

Comments are closed.