Hwenyakwese hadzidiwe mubato reZanu PF, vanodaro Cde Hungwe

NaArchford Chirimudombo

50

MARONDERA- Panguva iyo nyika yeZimbabwe yakatarisana nesarudzo dzichaitwa
munguva pfupi iri kutevera, vanoita zvematongerwo enyika vasingagutsikane asi
vachizviti ndevemubato riri kutonga reZanu PF havasi kuzombotenderwa kana
kungosiiwa vachiita zvavanoda zvisiri muzvicherechedzo zvebato iri.
Sarudzo dzekutsvaga mutungamiri wenyika, vamiririri vedare reparamende,
makanzuru emumaguta, madhorobha pamwe nemumaruwa dzichaitwa nemusi
wa23 Nyamavhuvhu.
Vachitaura kunhengo dzakapinda mumusangano weProvincial Coordinating
Committee (PCC) wakaitirwa muMarondera munguva pfupi ichangodarika,
mutevedzeri watete wemusangano weZanu PF munyika Cde Omega Hungwe
vakatsverudza hwenyakwese dzisingagutsikane kana dzichinge dzakundwa vakati
hwenyakwese dzakadaro hadzisi kuzongosiiwa dzichiita zvadzinoda sezvo
zvichidzikisira bato iri.
Mashoko aCde Hungwe akaturwa panguva iyo pane kamwe kakutaurika kekuti kune
dzimwe nhengo dzemusangano uyu dzisina kubudirira musarudzo dzemukati
mebato dzekutsvaga vamiriri vachazokwikwidzana nenhengo dzemapato anopikisa
vari kuronga kuzobvongodza muto kubudikidza nekamuitiro kavanoti Bhora
Musango.
Mukutaurwa kwazvo, kamuitiro keBhora Musango ndekekuvhotera vamiriri vebato
kana mapato anopikisa nechinangwa chekuti bato riri kutonga reZanu PF rinova
rakaunza kuzvitonga kuzere munyika rigozowanikwa richikundwa musarudzo.
Cde Hungwe vakati: “Tose senhengo dzeZanu PF, tinofanirwa kunge tichikoshesa
zvikuru uye kuve nezvisungo zvinosimudzira musangano wedu pamoyo. Ngativei
nechidakadaka chekusimudzira musangano wedu nguva nenguva. Dziriko
hwenyakwese dzinoshanduka-shanduka, hwenyakwese dzinoda kukoshesa zvigaro
kana kutungamira dzinenge dzisingagutsikane kana dzakundikana pasarudzo
dzakaita sedzedu dzatakaita semusangano pajekerere.
“Ndinoda kukomekedza yambiro kune vose vane mifungo kana hurongwa
hwakadaro kuti musangano wedu weZanu PF hausi kuzovatendera kuti vaite
zvavanoda zvekuzama kuwanisa bato kana mapato anopikisa mukana wekuti
tizokundwa musarudzo dzemunyika dziri kuuya munguva pfupi iri kutevera. Vose
vachaita sekudaro mhedzisiro yacho kudzingwa mubato redu zvachose.
“Nguva nenguva, President Mnangagwa vanogarotiyeuchidza kuti sarudzo dzedu
dzatinoita sevana vemusangano ndechedu pachedu uye zvisinei nezvakabuda

musarudzo dzedu idzi, tose tinongoramba tiri vana veZanu PF. Muchidimbu, hapana
nhengo yatinoti yakundwa kana kukunda zvekusvika pakurodzerana matemo.
“Tiri vana vanyamunhu uye iwe neni tine basa muZanu PF. Anenge akundwa
panguva iyoyo ngaatsigire amukunda zvoramba zvichingodaro tichisimbisana
senhengo dzemusangano. Tisakanganwezve kuti mubato reZanu PF, hapana
munhu anofanirwa kuzviti ane vanhu vake. Mutsigiri wose weZanu PF ndeweZanu
PF uye izvi ndizvo zvagara zvingoripo.”
Nhengo dzichamiririra bato reZanu PF musarudzo dzemumwedzi waNyamavhuvhu
dzakakurudzirwa kuti dzishande nesimba mukutsvaga rutsigiro rwekuti
dzigozovhoterwa zvine mutsindo zvimwechetezvo naPresident Mnangagwa.
“Panguva dzose apo mucnenge muchitsvetsva kuti vanhu vagozokutsigirai munguva
yesarudzo munharaunda dzamuchazenge muchimira, shandai zvakasimba kuti
vanhu vagozozvipa kukuvhoterai uye kuvhotera President Mnangangwa zvine
mutsindo. Huwandu hwevanhu vachakuvhoterai munharaunda dzenyu haufanirwe
kusiyana nehuwandu hweavo vachavhotera Mutungamiri webato redu reZanu PF,
Cde Mnangagwa.
“Shandidzanai zvakadzama kunyangwe nevachada kuzomiririra mabandiko
emakanzuru. Muchidimbu, ndinoda kusimbisa shoko rekuti munofanirwa kubatirana
pamwe nevatsigiri vose vemusangano kunyangwe vamunofungidzira kuti
havakufarirei,” vakadaro Cde Hungwe..
Vakaenderera mberi vachikurudzira vechidiki kuti vange vachibatana nguva dzose
pakushanda nesimba murunyararo.
Cde Hungwe: “Tine vechidiki mumusangano wedu uye ndinoda kungovakurudzira
kuti ngavashande nesimba uye vakabatana muzvirongwa zvose zvine chekuita
nekusimudzirwa kwebato redu riri kutonga munyika. Tinoda vechidiki vakarongeka,
vane ruremekedzo. Pane zvigaro zvavepo zvinotungamidza kana kusanganisira
vechidiki vedu kuti vave nehwaro hwakarongeka hwekuti vagozova vatungamiri
vamangwana vane gwara.”
Sachigaro veZanu PF muMashonaland East, Cde Daniel Garwe, vakaturawo
mashoko ekuti dunhu ravo rainge ragadzirira zvizere hurongwa hwese hune chekuita
nesarudzo vakatsinhidza kuti dunhu iri rine tarisiro huru yekuti vanhu vanosvika
zviuru gumi zvemazana evanhu zvichavhotera President Mnangagwa musarudzo
idzi.
“Sedunhu reMashonaland East, ndinoda kuti vatsigiri vedu vakagadzirira kuvhota
uye tichange tichipa rutsigiro rukuru kunaPresident Mnangagwa kuti bato redu
rigozokunda zvine mutsindo. Ichi chivimbiso chatakatopa nechekare uye hatisi
kuzombofa takadzora tsvimbo kunyangwe gudo rikabata kumeso,” Cde Garwe
vakadaro.

Comments are closed.