Nyaya yakubhinya murwere wepfungwa wechidiki yofambira mberi
NaSelina Mapokotera
MARONDERA-Nyaya yemurume ane makore makumi maviri nematanhatu (26)
ekuberekwa yekubata chibharo mwanasikana anorwara nenjere ane makore gumi
nemana ekuberekwa ichiri kuenderera mberi mumatare edzimhosva muMarondera.
Nyakupomerwa mhosva iyi arikuiramba pamberi pemutongi Ignatius Mhene.
Mumhan’ari anonzi akabatwa chibharo kaviri nemupari wemhosva pamazuva
akasiyana. Zvinonzi pachiitiko chekutanga chakaitika pazuva risiri kuzivikanwa
nedare asi muri mumwedzi waNyamavhuvhu mugore ra2019, nyakunzi akabatwa
chibharo akateverwa kuchimbuzi kwaainge aenda nanyakupomerwa mhosva.
Nyakupomerwa mhosva anonzi akaenderera mberi ndokukumura hanzu
dzemumhan’ari pamwe chete nedzakewo, pashure ndokumubata chibharo kamwe
chete.
Nyakunzi akabhinywa haana waakaturira pamusoro pechiitiko ichi akachitsindidza
mumoyo make.
Dare rakanzwazve kuti pachiitiko chechipiri, mumhan’ari akange ari panze
achizvitambira apo mupomerwi akasvika pamba akamubvisa zvipfeko zvake
ndokumubata chibharo kamwe chete zvekare.
Pakubvunzurudzwa negweta ranyakupomerwa mhosva, mumhan’ari akatsinhira kuti
zvedi ainge abatwa chibharo kanokwana kaviri pamazuva akasiyana.
Izvi zvakatsinhidzirwa nehumbowo hwakapihwa nemukoma wemumhan’ari pamberi
pedare, achiti iye akanga aona izvi zvichiitika pamwe chete neshamwari yake
kusvikira pakuzoudza amai zvakange zvatora nzvimbo.
Gweta ranyakupomerwa mhosva, Emmanuel Dera akaudza dare kuti zvose
zvakanga zvataurwa nevafakazi aive manyepo sezvo mupari uyu akaswera asipo
pamusha pamazuva anonzi akaitika izvi.
Pakuzvidzivirira pamhosva, iye nyakupara akaramba achitaura kuti nemusi unonzi
wakaitika izvi, akange abuda pamba mangwanani ndokuzodzoka kwadoka zvekuti
ainge achipomerwa mhosva iyi. Aisimba kuti kuzopomerwa kwakaita mhosva iyi
zvaibva panyaya yemakakatanwa ebindu remuriwo pakati pemhuri mbiri idzi.
Mutongi Ignatius Mhene vakaudza nyakupara kuti azodzoka kudare musi wa21
Chikumi apo achazenge achinzwa kugurwa kwenyaya yake.
Comments are closed.