Manicaland Yodada NeGoho Guru

Sharon Chigeza

134

MUTARE-Dunhu reManicaland rakapihwa vimbiso yekuwaniswa kwechikafu uye mari yevarimi
nekukasika mushure mekuwana goho guru muzvirimwa zvose zvezviyo mwaka uno.
Dunhu rakawana goho rematani 412 602 ezviyo mumwaka wechirimo wa2022/23 zvichienzaniswa
ne249 922 matani ezviyo zvaidiwa zvichipa Manicaland yakasara yematani 162 680 ezviyo.
Mukuru weAgricultural Advisory and Rural Development Services kuManicaland, VaPhilippa Rwambiwa
vanoti dunhu iri rakaita mwaka wakanaka zvisinei kuti mamwe matunhu ari kusangana nekusanaya
kwemvura.
“Manicaland ine matunhu ose mashanu ezvekurima mupurovhinzi imwe chete sezvo tichikurudzira
varimi kuti varime mbesa dzinoenderana nematunhu chaiwo. Mumwaka uno takanga tine mbesa
dzakawanda dzatakarima uye chinodiwa ichibage chakakwanisa mahekita 290 000 kubva pa265 000
yatakanga takatarisana nacho nokudaro tichiwedzera goho redu zvakanyanya, vakadaro.
Vanoti dunhu rekwaMutare rakanyanya kurohwa uye Hurumende ichabvisa zviyo munzvimbo dzine
goho rakawanda kuenda kune dzine dambudziko.
Mai Rwambiwa vakarumbidza zvikuru mapindiro ari kuitwa neHurumende muchikamu chekurima izvo
vakati zvakakonzerwa nekuwanda kwegoho.
“Dunhu iri rakava nemusanganiswa werombo rakanaka kubva kudenga pamwe nerutsigiro rwakasiyana-
siyana nehurongwa hwemari hwakaiswa neHurumende. Varimi vaiwanawo rubatsiro kubva kubhanga
reCBZ pasi pechirongwa cheNational Enhanced Agriculture Productivity Scheme (NEAPS) neAFC Bank
uye izvi zvakaita kuti vagowana goho guru,” vanodaro.
Goho repurovhinzi repakati pemwaka uyu raive 1.4 tonnes pahekita.
Zvichakadaro, gadziriro dzemwaka wechirimo wa2023/24 dzakatanga apo dunhu rine chinangwa
chekuwedzera goho pahekita kuti riwane chikafu.
Mai Rwambiwa vakati mabasa ekurima anopa chikamu chegumi neshanu kubva muzana cheGross
Domestic Product (GDP) yekuManicaland.
Hurumende yakaisa matanho ekuti kwete kungoita kuti pave nekudya kwakakwana kuburikidza
nemapurogiramu eshanduko yekurima, asiwo kuona kuti varimi vese, kubva kune vadiki kusvika kune
vane minda mirefu vabatsirikane kubva muzvirongwa izvi zvichisimudzira mari yekumaruwa nebudiriro
yekumaruwa.

Comments are closed.