Mwaka wemoto wasvika, dunhu renyu makagadzirira here?

80

GORE negore kubva musi was 31 Chikunguru kusvika musi wa 30 Mbudzi hapana
anotenderwa kuvesa moto kunze kwechivanzi.
Kushandiswa kwemoto kugobora minda kana kupisa mashanga echibage, donje
kana fodya hazvitenderwe. Tinokurudzira kuti mutore matanho akasiyana siyana
kudzivirira moto yesango anosanganisira:

Kuita magwariro (fireguards) anodarika 9m kutenderedza misha, kereke,
bhuku/chikoro kana purazi renyu. Huswa hwose hwakareba hwakatenderedza
misha/zvikoro nematanga ngahuchekwe huchishandiswa kuita ma compost, kudya
kwemombe kana kupfiririsa dzimba nemipanda.

Vanovhima mhuka kana kubura huchi ngavarege kushandisa moto. Vaputi vefodya
dzimai zvigusvani zvenyu.

Dzidziso yekudzivirirwa kwemoto mupengo ngadzitaurwe pamisangano yose
kusanganisira parufu, mumakereke, kunyange panokombwa makuva nekuti moto
inoparadza mafuro, misha, midziyo uye hupenyu. Dzidzisai vana njodzi dzemoto
muzvikoro uye nekumba kuti vazive kuipa kwemoto.

Masabhuku vanokurudzirwa kuva nemapoka anotarisa zvemoto mupengo pamwe
nekutemwa kwemiti uye makoronga nezvimwe zvese zvinechekuita nezviwanikwa.

Misha yose ngaive nemakomba emarara uye makomba iwayo ngaasakurirwe kuti
moto usapunyuke kana kupisa misha kana maiswa madota ane moto. Uye
ngatigarei maspray edu aine mvura uye tinogona kugadzira zvekudzimisa moto
tichishandisa matehwe kana ma heavy duty bags akabvaruka. Ibasa remunhu wose
kudzima moto mupengo kana uchinge watanga.
Mhan’arai mhosva dzose dzemoto mupengo kumadzishe nemasabhuku,
kana kuzivisa vekanzuru yenyu, veEnvironmental Management Agency,
Forestry Commission kana mapurisa aripedyo nemi.
Kana muchida kuziva zvakawanda munogona kubata veEMA parunhare rwunoti
Toll free 08080028 or 0867700244

Comments are closed.