VAGARI wekuMazowe Citrus, kuMazowe vari kufara zvikuru apo Gogo Magreat
Chonzi vakaroya imbwa yavo vachifunga kuti pada akange ari munhu aipinda
mudanga ravo achiba huku pamwe nemazai.
Vaisaziva kuti yakange iri imbwa yavo yaiita izvi.
Zvekubirwa huku pamusha pavo zvakaitika kwenguva yakareba uye vakazosvika
pakusataudzana zvakanaka nevamwe maringe nekubirwa. Nechigumbu, Gogo
Chonzi vakazonotsvaga mushonga kun'anga wekuroya nyakuba huku pamwe
nemazai.
"Ndakange ndaneta nekupopota sezvo huku dzangu dzaibiwa zuva nezuva ndosaka
ndakazonotsvaga tsotso kuti ndisabirwe zvekare," vakadaro Gogo Chonzi.
Sekutaurirwa kwavakange vaitwa nen'anga, Gogo Chonzi vakashandisa mushonga
sezvazviri uye vakaudzwa kuti aiba huku dzavo achatanga kupenga uye achazoripa
huku dzose pamwe nemazai avakange vabirwa.
Chakazofadza, pamwe nekunakidza vagari wekuMazowe Citrus ndechekuti imbwa
yaGogo ava ndiyo yakazopenga mushure memhiko yemushonga zviine dudziro
izere yekuti ibwa yaGogo ava ndiyo yakange ichiba huku nemazai.
Kutaura kuno imbwa yaGogo Chonzi yatove imbwa mupengo uye yakatopotsa
yaruma Gogo ava isati yatiza kunogara mumigwagwa inowanika munzvimbo iyi.
Gogo Chonzi vari kushaya pekupinda nekunyara sezvo vaigara vachituka vanhu
vachivapomera mhosva yekuba huku nemazai. Huku dzakadyiwa nembwa pamba
paGogo Chonzi dzinogona kudarika makumi maviri ne mazai anopfuura zana.
Mumwe mugari wekuMazowe Citrus, Ester Mpofu, anoti kupenga kwembwa yaGogo
Chonzi kwavapa rugare sezvo vaingotukwa vasina mhosva.
"Imbwa yatibvisa munhamo. Tanga tanzwa nekutukwa," akapupura Mpofu azere
nemufaro.
VaFadai Chisare vanogarawo zvekare pedyo naGogo Chonzi vakati Gogo Chonzi
vanofanirwa kukumbira ruregerero kune vanhu vose vavaipomera humbavha.
Comments are closed.