Vapositori vafunga bhizimusi

NaChenjerai Gumbeze

81

CHEGUTU – RIMWE boka reJohanne Masowe Chishanu Jerusarema rafunga
kumutsa bhizimusi kuitira kuzobatsira vatendi vesangano iri kana vachinge vawirwa
nematambudziko akaita sekurwarirwa kana kufirwa.
Mukuru weboka iri, Edson Chidavaenzi, uyo anozivikanwa nevateveri vake nezita
rekuti Madzibaba Pauro, akati anoona chirongwa chavo chichibudirira zvikuru.
Akati zvinorwadza zvikuru kuona mupositori achinetseka asina kana nechii chose
chingabatsire.
Madzibaba Pauro vanoti vakataurirana ndokuwirirana nevavanonamata navo
parenje pavo kuti vaite mukando zvishoma zvishoma kusvika mumwedzi
waChikunguru.
Mutendi mumwe nemumwe akufanira kukanda mari ingaite madhora mana kusvika
panguva yakatarwa. Pedzezvo mari yacho yobatanidzwa kuti sangano iri ritange
bhizimusi rechitoro chidiki chezvekudya nezvimwewo (tuckshop).
"Tiri kutarisira pundutso kubva ipapa. Zvakaoma kuti tinogona kurwarirwa
nemupositori isu sesangano toshaya kana chimwe hacho chatobatsira nacho.
Pamwe tofirwa tobva tashaya kana pekutangira. Zvino purojekiti iyi ichatibatsira
kwazvo," vakadaro Madzibaba Pauro.
Mumwe wevanamati akati chokwadi mukando unobatsira sezvo masangano
mazhinji kwazvo asina maFuneral Policies.
"Marenje akawanda zvikuru anosvika pakunyara kana vashaikirwa nemutendi sezvo
dzimwe nguva panenge pasina kana chekubata. Saka mukando uchatibatsira mberi
kwatiri kuenda uko. Dzimwe nguva tinotonyara kunoona murwere kuzvipatara nekuti
tinenge tisina kana chii zvacho chekupa murwere,"vakadaro Madzibaba Krebby.
Madzimai Manastage vakatiwo pfungwa yebhizimusi yakanakira kuti mari ichagara
iripo sezvo ichange ichitenderedzwa.Vakati zvekare uyo achashanda muchitoro ichi
anofanira kusarudzwa nemuporofita sezvo zvinenge zvichionekwa nemweya
mutsvene kuti anokodzera ndeupi, asi mutengesi wacho anobva musangano
ravomo.

Comments are closed.