CHINHOYI – ZVAKAKOSHA kubatanidza vanhurume mukuenzaniswa kwemikana
nokuti pekutanga Mwari pavakasika vanhu vakati munhurume ndiye musoro, mukadzi
ari mubatsiri.
Naizvozvo vanhurume nevakomana ngava batanidzwewo mukuenzaniswa kwemikana
vagodzidziswawo zvidzidzo zvinopindwa nevanhukadzi nevasikana vachibatwawo
zvakaenzana.
Vanhurume vazhinji vabva chimiro nekuda kwokushaiwa ruzivo rwakakwana,
kunyangwe akatora mukadzi haagoni kumuchengeta. Vamwewo varume ndivo vakuita
zvemutoriro nekuputa zvinodhaka, uye huori hwakura munyika zvakanyanyisa.
Mumamashure mehurukuro dzakaitwa nevanhu vemunharaunda pakava
nekubvumirana kuti zvakakosha kubatanidza vanhurume mukuenzaniswa kwemikana
vagodzidziswawo zvidzizdo zvose zvinodzidziswa vanhukadzi kuti vago batsirikana
muupenyu hwavo.
District Development Officer, Fungayi Sadzi, akati vanhurume vakasasiiwa mudariro,
vanogumbuka, vobva vazviona sevasina kukosha, vanobva vatadza kunzwisisa zviri
kuitika vofunga kuti vave kurwiswa mhedzisiro vanenge voda kudzorerawo.
“Ngapave nokuenzana kwakanaka nokuti tikatarisa vanhurume vane masimba ose
pazvinhu zvakaita “sedecision-making”, uye vane “positive thinking” zvakare.
“Varume ngavavewo muzvironga zvakasiyana siyana zvemadzimai nevasikana
vagopihwawo zvigaro nemukana wokutungamirira mazviri, akadaro Sadzi.
Sadzi akaenderera mberi achiti kana vanhurume vapinzwa muzvirongwa izvi zvinoita
kuti vavewo nezvekuita muupenyu zvine musoro pane kuzopedzisira vave kungonwa
nekuputa zvinodhaka.
Lephart Phiri weku Cold Stream akati pachivanhu chedu takakura tichinzi murume
haachemi , kashoma munhurume kugoverana nevamwe matambudziko ake, asi
tikatarisa munharaunda yatigere kumapato akasiyana siyana akawanda ari kuitwa
nevakadzi pamwe chete nevasikana vachidzidziswa zvinhu zvakaita seku zvimiririra,
kuchengeta mari, nezvimwe zvakawanda wanda, tinoona pasina varume.
“Tikatarisa zviri kuitika mazuva ano tiri kuona kuti nyaya dzekuzvisungirira kuvarume
nevakomana dzakanyanyisa kukwirisa mazuva ano, nechikonzero chekuti mazuva ano
hakuchisina zvematare kwaigarwa nevanhurume, vachidzidzisana mararamisiro
avangaite mhuri dzavo sezvo vaive ndivo misoro yemisha.
“Varume nevakomana vanofanirwa kuiswa mumapato ane chekuita nekuenzaniswa
kwemikana kuitira kuti vadzidziswewo zvinhu zvakaita sekuzviriritira, kudzidziswa huipi
hwemhirizhonga mudzimba nezvimwewo zvakadaro akadaro Phiri.
Anusa Muhipo weku Muzari akati Mwari pavakasika Adam ari mumwe chete vakaona
kuti haanga zvikwanisi vanofanira kusikawo munhukadzi kuitira kuti zvinyatso
zadzikiswa.
“Kana munhu achida mubatsiri zvinoreva kuti anofanira kupindawo muzvirongwa zvose
zviri kuitwa nevanhukadzi. Izvi ndizvo zvinoita kuti kunyangwe kumhuri chaiko
zvinofamba zvakanaka, kunyangwe Hurumende chaiyo vakapinza vanhukadzi mudariro
zvinhu zvose zvinongoendeka zvakanaka. Nyaya iyi yekuti vakadzi hativade tinenge
takuuraya zvinhu zvose.
“Naizvozvo nyaya yema Equal Rights iri kutadza kunzwisiswa nevanhu, hazvirevi kuti
pane anofanira kudzvanyirirwa asi kuti zvinofanira kuenzana. Mukadzi paanonzi
ngaaende pasi pemurume wake, ”it is submission and submission is power, mukadzi
ane pontential yekuita surpass, she can surpass a man”, akadaro Muhipo.
Comments are closed.