Chirongwa Chekumutsiridza Kuwandudzwa Kwemvura Chopera

Sharon Chigeza

31

CHIPINGE-Mari inosvika US$1.9 miriyoni yekuvandudza matangi emvura kuguta reChipinge yakashanda
kuitira kuti vagari vemuguta reChipinge vawane mvura yakachena nguva dzose.
Vakuru venzvimbo iyi vakati kuvandudzwa kwematangi ayo emvura kwakapera nekuiswa kwepombi
500mm kwave padanho repamusoro.
Sachigaro wekanzuru ari kusiya basa, VaLovemore Mukwapati, vanoti matangi matatu nechiteshi
chimwe chete chebooster station zvagadzirira kuwana mvura, budiriro yavati ichaderedza dambudziko
rekushaya mvura ye1.5 mega litre mudhorobha.
“Chimwe chechirongwa chekuvandudza hurongwa hwemvura chakapedzwa zvichitevera kupedzwa
kwematangi matatu emvura nechiteshi chimwe chete chebooster sezvo chiri kuitwa kekupedzisira
pakuiswa kwepombi dzemvura 500mm. Kuvandudzwa kwegadziriro iyi kuchabatsira vagari
vemudhorobha reChipinge vanosvika 35 000,” vakadaro VaMukwapati.
Kuvandudzwa kwematangi emvura ibasa guru rekanzuru yeChipinge rekuvandudza Bangazani Water
System iro rinosanganisira kutsiva pombi dzemvura, mavharuvhu ekuderedza mhepo, nekutsiviwa
kwepombi dzemvura padhamu kuti mvura iwande kuti ienderane nekukura kweguta.
Zvivakwa zvemvura muguta diki revarimi zvanga zvichitadza kuzadzisa zvinodiwa nemvura yemuguta
sezvo izvi zvakagadzirirwa vanhu vashoma.
Dhorobha reChipinge rinoda 9 mega litres emvura pazuva asi raive nedambudziko remvura risingapere
zvekuti nzvimbo dzinenge dzawanda dzaigona kuita mazuva dzisina mvura yemupombi.
Chirongwa chekumutsiridza chiri kuda kubatsira nzvimbo dzinosanganisira Gaza E, ZBS, Medium nelow
density area, nenzvimbo yedhorobha.

Comments are closed.