Gadziriro Dzekurima Dzooenderera Mberi Zvakanaka
Sharon Chigeza
MUTARE-Gadziriro dzemwaka wekurima wa2023/24 dziri kufambira mberi zvakanaka Manicaland
yakanangana nekuisa mahekita anosvika 265 000 pasi pechibage, yakanangana nekusimudzira goho
nechikamu chinosvika gumi kubva muzana mumwaka uno.
Varimi vadiki mudunhu iri vakaenderera mberi nekushandisa nzira dzePfumvudza dzinoita kuti vawane
goho guru vachishandisa ivhu, mvura nemishonga shoma izvo zvinopa pundutso kuvarimi zvinoonekwa
nekuwanda kwegoho remwaka wadarika.
Mukuru weAgricultural Advisory and Rural Development Services kuManicalanbd, VaPhilippa Rwambiwa
vanoti zvekushandisa zvichagoverwa nenguva kuitira kuti varimi vakwanise kudyara nemvura yekutanga
kunaya.
“Gore rino tiri kutarisira kuisa zvakare mahekita 265 000 pasi pechibage. Mwaka wadarika wakatipa
chibage chakawanda kubva pachinangwa chimwe chete saka tave kutarisa nezvekuvandudza goho pasi
pehekita imwe chete. Pari zvino takabatwa nekunyoreswa kwevarimi uye tiri kufambisa zvakare
chirongwa cheelectronic registration chechikamu chechipiri kuitira kuti tikwanise kutevera kugoverwa
kwembeu. Mushure mekunyoresa kugovewa kwembeu nefotireza yebasal kunotanga kuitira kuti varimi
vakwanise kusima pamvura yekutanga,” vakadaro Mai Rwambiwa.
Varimi vakatotangisa gadziriro dzekurima, kuchera makomba uyezve kunyoresa kutorwa
kwezvekushandisa zvakaita sembeu yechibage, fetereza nemishonga yatove mushishi.
Nekune rumwe rutivi makambani embeu, fetereza nemishonga avimbisa nyika kuti ane masheya
akakwana kuti ange achiwedzera kudiwa kwenyika.
Izvi zvinouya zvichienderana nemwaka wakabudirira zvikuru wa2022/23 apo zvinenge zvese zvakawira
munzvimbo kubva pakunaya kwemvura zhinji, kusvika pakuwanikwa kwezvekushandisa uye mabasa
ekuwedzera nenguva.
Mai Rwambiwa vanoti zvakakoshawo kuti varimi vagare vachitaurirana neveAgriculture Extension
Officers kuitira kuti vawane mazano anodiwa uye akakodzera.
Manicaland yakawana goho rematani 412 602 ezviyo mumwaka wekurima wa2022/23 kana
tichienzanisa nezvaidiwa zvaidiwa zvematani 249 922 zvichipa Manicaland imwe 162 680 matani ezviyo.
Goho repurovhinzi remwaka uno raive 1,4 tonnes pahekita izvo zvinotarisirwa kuwedzerwa kusvika
paavhareji yematani 1,6 pahekita mwaka uno.
Bazi reMeteorological Services Department (MSD) rakaburitsa fungidziro yaro yekunaya kwemvura
mumwaka wa2023/24, izvo zvinoratidza kuti chikamu chikuru chenyika chinogona kunaya zvakanaka
kusvika pasi pemazuva ese pakati paGumiguru 2023 naKurume 2024.
Comments are closed.