NaHilda Tanga
MARONDERA– Mapurisa ari mushishi kutsvaga murume asingazivikanwe uyo akapindira mbuya vane makore makumi masere nematatu (83) ekuberekwa ndokuvabata chibharo kwaMutoko muraini raaSabhuku Kaparira kwaChimoyo.
Sekutsinhirwa kwakaitwa chiitiko chinosuruvadza ichi nemutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, chembere iyi yakashinhwa musi wa13 mwedzi uno nenguva dzembiri mangwanani.
Inspector Chazovachiyi vakati: “Mukumhan’arwa kwakaitwa nyaya iyi, zvinonzi ambuya ava vainge vakazvizororera muimba yavo yekurara apo vakazopatika vachibva vaona kuti gonhi remukamuri iyi rainge rakavhurika. Pavakaona izvi, vakakatyamadzika zvikuru asi zvinoita sekunge vasina kumbofunyanyofungisisa zvakawanda nezvazvo sezvo vakaita fungidziro yekuti ndivo vainge vakanganwa kuvhara mukova panguva dzavakarara. Vakasimuka ndokunokiya gonhi ravo.
“Mushure mekukiya gonhi ravo, vanonzi vakadzokera kunorara uye chiriporipotyo, mumwe munhu wavasina kuziva akabudikira mumimvuri yaiva mumba mavo mekurara vakaedza kumurwisa. Havana kukwanisa kumukurira sezvo nyakupomerwa mhosva uya anonzi akabva avabata nechemugotsi zvine chisimba ndokuvadzipa muhuro kuti vasaite ruzha.”
Mutauriri wemapurisa muMashonaland East vakaenderera mberi vachiti ambuya ava vakatanga kushevedzera kuti vabatsirwe asi nekuda kwekudzipwa kwavainge vakaitwa, ruzha rwavo hapana kure kwarwakasvika. Murume uye akazovabata chibharo uye pave pashure, muchembere vaye vanonzi vakazobuda muimba mavainge vashinhirwa umu ndokuenda kumwanasikana wavo uyo vakazivisa nezvetsekwende yavainge vasangana nayo.
Amai nemwana vakazodungamidzana ndokuenda kumapurisa uko vakanomhan’ara nyaya iyi. Mupari wemhosva haasati azivikanwa uye vanamugaradzakasungwa vari mushishi yekuita tsvakurudzo dzingabatsiridze kuti horomori bhinya iri ringe richizozivikanwa rosangana nemhaka dzaro.
Inspector Chazovachiyi vakati: “Naizvozvo hapana akasungwa uye sevachengetedzi wemitemo munyika, tiri pakati pekuferefeta nyaya iyi nechinangwa chekuwana ruzivo rwunogona kuita kuti mupari wemhosva amiswe pamberi pematare edzimhosva. Senguva dzose, tinokurudzira veruzhinji kuti vakurumidze kumhan’ara mhosva dzakadai sezvo zvichibatsira kuti tifambire nyaya dzadzo nekuchimbidza.
“Imwe kurudziro yedu ndeyekuti vanhu, munharaunda dzavagere, vanofanirwa kuchengetedza vakwegura kuitira kuti vasawirwe netsaona dzemutoo uyu vari vega sezvo vasingazokwanise kurwisana nehoromori dzakadai. Mukushanda kwedu nevakuru vanotonga munzimbo dzakasiyana-siyana, tinogara tichipawo kurudziro yekuti vagare vachidzidzisa vachiri kutemwa dzinobva ropa kuti vange vechiremekedza nekuchengetedza vechikuru vatana vose. Vanhu vakwegura havafanirwe kushungurudzwa sezvo kuita kwakadaro kuchivabvisa chiremerera.”