More
    HomeNehanda GuardianAkadonherwa nemombe ndokubva afa

    Akadonherwa nemombe ndokubva afa

    Published on

    spot_img

    NaTabeth John

    MMUCHIITIKO chinosuwisa nekushamisa zvikuru mumwe murume wekwaMauswa mudunhu ramambo Dotito kuMt Darwin akadonherwa nemombe ndokufirapo.

    Musi Gumiguru 22 nenguva dzemasikati mushakabvu Forget Machado (21) pamwe chete namai vake, Fungai Chingwena (63), vakasimuka pamusha pavo vachienda kugadheni kunodiridza mbeu yefodya.

    Vachisvika pagadheni vaviri vakatanga kudiridza gadheni riye vachichera mvura patsime rakavhurika iro riri mamita anoita makumi matatu (30m) kubva pagadheni.

    Vachidiridza kudaro mombe mbiri dzakasvika ndokutanga kurwisana dzichida kunwa mvura yakanga iri mumugoro wemvura izvo zvakazoita kuti imwe mombe idonhere pamusoro paForget akanga ari muchitsime.

    Mai vaForget vachiona izvi vakazadzwa nekutya vakadedzera pamwe chete nekuchemera rubatsiro. Vamwe vanhu vakamhanya asi Forget chakanga chava chando.

    Forget wakanga watofirapo. Sudden Chawamana ndiye akazomhanya kunoudza mapurisa eZRP Dotito avo vakazosvika vakaona mutumbi wemufi uchibva waendeswa kuchipatara cheKaranda Mission Hospital.

    Vakasanobata chigaro chemutauriri wemapurisa wemudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Lucy Chigwenhese, vakakurudzira veruzhinji kushandisa migoro iya inetambo kana vachichera mvura muzvitsime kudzivirira njodzi pane kupindamo.

    New Ziana

    Latest articles

    Government to Distribute 18 Million Fruit, Agro-Forestry Trees Nationwide

    Bulawayo,  (New Ziana)- The Zimbabwe government plans to roll out a nationwide fruit tree...

    Parly raises red flag over deteriorating road safety

    Harare,  (New Ziana)-The Zimbabwean Parliament has raised a red flag over the increase in...

    National Hero Archbishop Mwazha to Be Laid to Rest on Sunday Chivhu

    Harare, (New Ziana) – The late National Hero, Africn Apostolic Church Archbishop Paul Mwazha,...

    Zimbabwe To Roll Out Electric Buses in Major Public Transport Modernisation Drive

    Harare, (New Ziana) - Zimbabwe is set to launch a new era in urban...

    More like this

    Government to Distribute 18 Million Fruit, Agro-Forestry Trees Nationwide

    Bulawayo,  (New Ziana)- The Zimbabwe government plans to roll out a nationwide fruit tree...

    Parly raises red flag over deteriorating road safety

    Harare,  (New Ziana)-The Zimbabwean Parliament has raised a red flag over the increase in...

    National Hero Archbishop Mwazha to Be Laid to Rest on Sunday Chivhu

    Harare, (New Ziana) – The late National Hero, Africn Apostolic Church Archbishop Paul Mwazha,...
    error: Content is protected !!