More

    Hatoini chitunha

    Published on

    spot_img

    ZVIMBA – MADZIMAMBO emunyika ino havapi ruonekedzo rwunonzi muchirungu body
    viewing kumushakabvu kunyangwe kuhama yepedyo kusanganisira nemadzimai avo.
    Mashoko aya akapupurwa naMambo Chidziva, avo vakazvarwa vachidzi Sheppard
    Muganhiri.
    Mambo Chidziva vakataura mashoko aya kubepa nhau rino mushure mekunge
    tavabvunza kuti sei vasina kuuya kurufu rwemushakabvu aive kanzura muKanzuru
    yeZvimba, vaRichard Muganhiri.
    “Isu savana Mambo tinokoshesa Tateguru wedu kwedu ndiye anezita rokuti Chidziva ini
    handina kumuoona saka patsika yechivanhu isu hationi chitunha,” vakadaro Mambo
    Chidziva.
    Mambo vakazoenderera mberi vachiti kunyangwe vaye vanofirwa havaoni munhu afa
    zvakare nyaya yavo imwe chete sezvo vanenge vakagarwa naTateguru asina
    kumboona pwere dzaveko mazuva ano.
    Mumwe mukuru wevapositori vekwMugodhi akawirirana naMambo achiti chitendero
    chavo hachikurudziri kuwona munhu ari mubhokisi nekuti zvakatombo uraisa vamwe
    vanhu vakazviuraya nekushungurudzika vashaikirwa nehama dzepedyo.
    Vakazoti asi hama dzemufi dzisiri vapositori dzinowonekedzana hadzo nehama yafa
    hazvina ndava.
    Mufundisi Itai Mukonza veAssemblies of God vakati mushakabvu ihama yenyu,
    mudikani wenyu anoda kuitwa good bye hazvigoni kuita semamurasa. Jesu paakafa
    vana Mary nana Simon Peter vaida kunozora muviri wake mafuta, patsika yechi Judah
    vanofumira kuguva.
    Vakawedzera vachiti kusaonekana nemushakabvu kune zvikonzero zvakasiyana
    siyana. Vamwe vanhu havana kusimba moyo vakaona munhu akafa
    vanoshungurudzika zvakanyanyisa, asi kuonekana nemushakabvu hakuna kumboipa.
    Mutsika yechi Korekore, vanhu vanoonekana nehama yavo uye vanorova guva
    kwapera gore munhu afa vachiti vanenge vachidzora mweya wake mumusha izvo zvino
    bvumidzwa nana Mambo verudzi rwechi Korekore.
    Kunyangwe zvazvo madziMambo vachiti havaoni mufi vanokoshesa vakafa kare zvokuti
    nzvimbo zhinji muZimbabwe dzakapiwa mazita evashakabvu vaive vana
    vemadzimambo.

    KwaZvimba nzvimbo inonzi Uzande yakapihwa zita iri rinova remunhu aive dangwe
    raMambo Zvimba vekutanga.
    KuHurungwe zvakare kune nzvimbo inonzi Chimusimbe yakadaidzwa zita iri rwuri
    ruremekedzo rwemutevedzeri waMabo Munjinga.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!