More
    HomeProvincial NewspapersKanzuru yeGweru yoda kumisa basa vashandi 600

    Kanzuru yeGweru yoda kumisa basa vashandi 600

    Published on

    spot_img

    SHONA – Meya weGweru, Kanzura Hamutendi Kombayi vakati Kanzuru yavo haisisina mari
    nokudaro iri kuda kumisa basa vashandi vangangodarika mazana matanhatu (600) senzira
    yokuderedza uwandu hwemari iri kuburitswa pakubhadhara vashandi.
    Parizvino kanzuru yeGweru ine vashandi vangangosvika churu nemazana mana (1400) kusanganisira
    vanoshanda vari pamakondirakiti. Mumakore matatu apfuura, kanzuru yaifunga zvokuderedza
    uwandu hwevashandi vayo nechidimbu chepakati.
    VaHamutendi Kombayi vakati vashandi vangongosvika mazana matanhatu vanofanirwa kumiswa
    basa kuitira kuti kanzuru ishande zvakanaka.
    Vakati mari iri kudiwa pakuita basa yakawandisa zvinova zvinoita kuti kanzuru itadze kuita mabasa
    ainotarisirwa kuita nevagari uye vanobhadhara mitero.
    “Ndinozviziva kuti handingagoni zvose asi panofanirwa kutorwa matanho akasimba kuti kanzuru
    yeGweru ishande zvakanaka” vakadaro VaKombayi.
    Vakaenderera mberi vachiti, “Chokutanga ndechokuti hatingavi nomutungamiriri wechikamu
    chinoona nezvekufambiswa kwemari VaChuru, vaine vatevedzeri vaviri VaMasimba naVaVerenga
    uye izvi zviri kuitika muzvikamu zvose zvekanzuru. Tiri kuti vashandi vedu vanoda kubhadharwa
    vakawandisa zvinova zviri kukonzerwa nezvidanho zvepabasa zvakawandisa. Izvi zviri kuita kuti
    zvinhu zvisafambe nemazvo uye chimiro ichi chiri kuwanikwa mukanzuru ino yoga ndichitarisawo
    mamwe mapoka andinoshanda nawo. Vamwe vari kuderedza uwandu hwezvidanho zvepabasa uye
    mari yatiri kuda pakuita basa yawandisa zvoita kuti kanzuru isare isina mari muhomwe.”
    Hatisi kushandira kuita kuti mari isare muhomwe medu asi uwandu hwemari inodiwa pakuita basa
    yakawandisa zvinova zvave kutitadzisa kuita basa zvakanaka uye izvi zviri kutirwadza,” vakadaro
    Meya.
    VaKombayi vakati izano rakanaka kumisa basa vashandi vangangosvika mazana matanhatu (600)
    sezvo vamwe vavo vachifungidzirwa kuti vakapinzwa basa neMakanzura nokuda kwekuti
    vanovatsigira mune zvematongerwo enyika.
    Vakaratidza kushushikana nokuda kwokuti vamwe vevashandi vakapinda basa nokuda
    kwezvematongerwo enyika havasi kuuya kubasa asi vachibhadharwa mihoro yavo panopera mwedzi.
    “Nyaya yokutanga inorwadza ndeyokuti basa ratinotarisirwa kuita rakawanda asi tiri kufanira
    kumisa vamwe vashandi basa vangangosvika mazana matanhatu nechikonzero chokuti vaipinzwa
    basa nezvematongerwo enyika. Makanzura vaishandisa zvigaro zvavo kupinza vashandi basa asi
    chidimbu chevashandi ava hachiuyi kubasa,” vakadaro Meya Kombayi.
    Kunyangwe zvakadaro, Meya havana kataura kuti kanzuru yakagamuchira here zano rokuda kumisa
    vashandi basa kana kuti ongororo yemabasa ekanzuru yakaitwa here.
    Anotungamirira Gweru Residents and Ratepayers Association (GRRA) VaCornelius Selipiwe vakati
    havana dambudziko nazvo kana kumiswa basa kwevashandi kukaitwa kuchitariswa umboo
    hwechokwadi.

    SHONA

    Vakati harisi zano rakanaka kuti kanzuru imise vashandi basa pasina kuitwa tsvakurudzo yakanaka.
    Vakaenderera mberi vachiti, “Kana kumisa vashandi basa uku kuchienderana nezvinenge zvabuda
    mutsvakurudzo, hapana chakaipa… Kana muchimisa vashandi basa, panoda kunyatsoitwa ongororo
    yakanaka yebasa rinoda kuitwa uye vashandi vamuinavo…chatinoda umboo hwakazara…”
    Anotungamirira GRRA akati kanzuru iri kutadza kushandisa nemazvo mari yairi kuwana kubva
    kuvagari uye vamwe vavanoshandidzana navo.
    VaSilipiwe vakati kanzuru inofanirwa kutsvaga mazano okusimudzira zvikamu zvinounza mari
    zvakaita seGo Beer Breweries neQuarry Mine uye kushandisa nemazvo zvinhu zvavanazvo kuitira kuti
    kanzuru iwane mari.
    Zvichakadaro, vachitaura panyaya yanetsa yezvemarobhoti asingashandi mudhorobha reGweru,
    VaKombayi vakati utungamiriri hwaivepo kubva mugore ra2013 hwakakundikana kugadzirisa
    marobhoti aya.
    Vakati zvakare vari kuedza napose pavanogona napo kuti marobhoti agadziriswe pamwe chete
    nokuvandudza migero inofambisa mvura.

    Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
    Language Institute

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!