More
    HomeProvincial NewspapersMudzimai ovhimwa setsuro

    Mudzimai ovhimwa setsuro

    Published on

    spot_img

    CHEGUTU – MUMWE mudzimai wechidiki ane makore gumi nematanhatu akatizira pamurume
    wemukoma wake ogara mwoyo uri mumukanwa nokutya kuitwa zvose_zvose namaiguru.
    Maiguru vake vava kutoita zvekutuma vamwe vanhu kumuvhima chero nguva zvadzo.
    Daka pavaviri ava rakatanga apo mudzimai wechidiki uyo aigara nemukoma wake akatanga
    kufambidzana nababamukuru vake kusvika patozvarwa mwana.
    Zvinonzi amainini ava vakatorwa nemukoma wavo kuti vagare navo mudhorobha vachivapinza
    chikoro nekuti kumusha zvinhu zvainge zvakasungwa neutare.
    Murume wamaiguru,uyu anozivikanwa kunzi Tafirei, ndokuti dzawira mutswanda kunongera
    hadzichanetsi.
    Tafirei anonzi akatanga kubata mwana chibharo kubva paakatanga Form I kusvika azobata
    pamuviri ava kuita Form II.
    Sisi pavakadzidziuka munin’ina wavo akanga atozvitakura. Panonzi pakamuka bongozozo pakati
    pasisi nemunin'ina zvokutotadza kugarisana kusvika murume atengera mudzimai mudiki
    pekugara makare mudhorobha reChegutu.
    Sisi havana kuziva kwakatengerwa munin'ina wavo pekugara, zvino vava kumutsvaga nedemo
    sezvo murume asisabveko.
    Kumba huru haachatsikeko. Maiguru vatove nevanhu vavo vavava kutuma kuita basa
    rekuongorora mafambiro emukadzinyina wavo, uye nokuti paanogara chaipo ndepapi.
    Zvino mainini pavakaziva zvirikuita mukoma wavo vava kutogara vachidedera kutyira
    ramangwana ravo.
    Ini handichaziva kuti sisi vangu chaivo chaivo vakundifungira chii, Ndinogona kupondwa chero
    nguva nekuti vamwe vanhu vakunditsvaga handichavanzwisisa.
    “Kungoti havandizive zvakanaka chete, pavachandiziva handizive kuti chii chaizvo chichaitika
    kwandiri,vakadaro mainini.
    Tafirei anonzi kumba huru haachatombotsikako kusara chete paanotombonodongorera vana vavo
    vaviri.
    Kana mari chaiyo amaiguru havachaibate nokuti amainini ndivo vave kutonga. Tafirei
    anoshandira kambani huru kwazvo yezvicherwa kuMhondoro.

    Amaiguru vakatomboshuva kuzvipfuudza nechiitiko chekutorerwa murume nemunin’ina
    wavaichengeta vachimuitira zvose nepavaigona napo.
    Parizvino hapana chirikunyasobuda chaicho kuti amaiguru vakunyatsoda kuita zvipi chaizvo
    kumudiki wavo.
    Tafirei haana kusimudza runhare rwake apo pepa rino raizama kuti rinzwewo kuti chii chaizvo
    chirikuitika pakati pake iye nemadzimai vake vaviri vanova vana vanyamunhu.
    Kubatwa zvibharo kwevanasikana kurikuenderera mberi kunyanya nemabhinya akunyengedza
    vana netwumari twushomanana.
    Mumwe musikana wechikoro akabatwa chibharo asi bhinya racho rakanyengetedza vabereki
    vemwana kuti richaenderera mberi nekuendesa musikana uyu kuchikoro uye richada kumuroora.
    Ongororo inoratidza pachena kuti mabhinya mazhinji ndeepedyo pedyo kana kuva ehukama.
    Mapurisa anogara achikurudzira vabereki kuti vagare vakatarisisa vana uye kumhang'ara nyaya
    dzine chekuita nekushungurudzwa kwevana.

    Latest articles

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...

    New Development Bank of BRICS: driver of growth for Global South countries

    In 2025 the NDB marked its 10th anniversary. Throughout this time, being essentially the...

    More like this

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...
    error: Content is protected !!