More
    HomeNehanda GuardianMufi ovigwa asina mhuno

    Mufi ovigwa asina mhuno

    Published on

    spot_img

    ZVAKAITIKA muGlendale svondo radarika zvonetsa kunzwisisa kuti kuroya here
    kana kuti kuroiwa apo mushakabvu Sixpence Nico, uyo akange ane makore makumi
    mana nemasere ekuzvarwa akadyiwa mhuno yose ari chitunha ndokuzovigwa asina
    mhuno.
    Sixpence akafa mushure mekurwara kwenguva yakareba asi rufu rwake rwasiya
    vanhu vane kutaura kwakasiya-siyana apo vamwe vari kuti murume uyu akange
    akaromba ndosaka akavigwa asina mhuno.
    Vamwe ndovari kuti murume uyu akadyiwa mhuno nemakonzo. Kutaura kwese uko
    kwasiya vagari wemuGlendale vasina chokwadi nezvakaitika maringe nezvemhuno
    yemushakabvu.
    Takashama nazvo Sixpence akavigwa asina mhuno uye haana kuzoonekwa
    neweruzhinji asati avigwa nekuti hazvaiita kuti aonekwe, akadaro Joe Yotamu.
    Raramiro yaSixpence asati afa yaivhundutsa zvikuru apo murume uyu airara
    muimba imwechete namai vake vachifuga gumbeze rimwechete.
    Zvinonzi vaviri ava vakange vane chigaba chavaishandisa pakurasira mvura husiku
    icho chinozivikana nekuti (Chamber), uye aipedzisira kumuka ndiye ainorasa mvura
    yemuchigaba ichi.
    Zvaiitwa nemushakabvu asati afa zvakaoma nekuti aitodanana namai vake
    zvekutoti vanogona vakatoita bonde vose," akadaro Bisman Mhandu. Mamwewo
    mashoko maringe nemushakabvu anotaridza kuti iye namai vake vaitombogeza
    vose. Sixpence aive murume ane pfungwa dzinoshanda uye aitoshanda mamwe
    mabasa emaricho anowanika munharaunda.
    Sixpence taitoshanda naye kumaricho uye akange asingapenge, akadaro Nomsa
    Kahuni.
    Mushakabvu uyu ndiye zvekare aitovaka dzimba dzavaigara iye namai wake.
    Sixpence akamboroora kare kare ndokuzoparadzana nemudzimai wake mushure
    mekutadza kugarisana naye. Kugara kwaakaita nemudzimai wake, Sixpence haana
    kubvira aita mwana kudzamara asvika pakufa.
    Maitiro emurume uyu asati afa, anoramba achizunguza misoro yevagari venzvimbo
    iyi. Mamwe mashoko anotaridza kuti mushakabvu uyu ndiye zvekare aitengera mai
    wake nhumbi dzekupfeka idzo dzinosanganisira zvipfeko zvemukati. Nekuda
    kwemaitiro ake asati afa, vanhu vakungozevezerana kuti pada mushakabvu
    anogona akange akaromba izvo zvakazokonzera kushaikwa kwemhuno yake iyo iri
    kufungidzirwa kuti yakadyiwa nevaroyi.

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!