More
    HomeNehanda GuardianMumwe mukadzi wekuMt Darwin akadonhera mugomba ndokufa

    Mumwe mukadzi wekuMt Darwin akadonhera mugomba ndokufa

    Published on

    spot_img

    NaTabeth John
    Mumwe mukadzi Dorica Kanyama( 51)weVillage 55 kwamambo Nembire,Mutungagore ku Mt Darwin akadonhera mugomba ndokufiramo.
    Muchiitiko chinosuwisa zvikuru musi waGumiguru 23 Dorica nemurume wake Simon Maruta vaifamba zvavo mukadzi ndokutsauka pachisango chakanga chiri pedyo kuti azvibetsere.
    Achinotsauka akabva awira mugomba rakareba 5meters rakanga rakavharwa nemahuswa nezvimiti.
    Dorica wakadaidzira izvo zvakaita kuti murume wake achimbidze kusvika kwaakanga anzwa izwi kuti
    aone kuti chii chakanga chawira tsvarakadenga yake.
    Achinosvika panzvimbo akawana shura risingaite tsvarakadenga yake yakanga yawira mugomba
    rakareba.Simon wakamhanya kunoudza vamwe avo vakazokwanisa kumubatsira kuburitsa mudzimai
    wake asi akanga achibuda ropa mumusoro. Izvi zvakavhundutsa vazhinji ndokumumhanyisa kuchipatara cheMt Darwin uko akasvika achinzi akanga atofa kare.
    Nyaya yakamhan’arwa kumapurisa eZRP Mt Darwin naSimon mutumbi wemufi uchibva waiswa muMortuary yeMt Darwin.
    Vakasanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reMash-Central Assistant Inspector Lucy Chigwenhese vakurudzira veruzhinji kuti vanyatsotarisisa muzvisango zvavanenge vachifamba.Vakurudzira zvekare avo vanochera makomba kuti vasiye vavhara kudzivirira kurasikirwa nehupenyu

    Latest articles

    Mavetera tapped for top Africa AI council

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe has received a major boost in its digital ambitions...

    Harare offers 20 percent discount to encourage bill payments

    Harare, (New Ziana) – The Harare City Council has announced discounts of up to...

    Major dams spill

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe's water security outlook has significantly improved following sustained rainfall...

    Government hails Net One for rural development

    Bulawayo, (New Ziana) - State-owned mobile network operator, Net One, has been commended for...

    More like this

    Mavetera tapped for top Africa AI council

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe has received a major boost in its digital ambitions...

    Harare offers 20 percent discount to encourage bill payments

    Harare, (New Ziana) – The Harare City Council has announced discounts of up to...

    Major dams spill

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe's water security outlook has significantly improved following sustained rainfall...
    error: Content is protected !!