NaTabeth John
Mumwe mukadzi Dorica Kanyama( 51)weVillage 55 kwamambo Nembire,Mutungagore ku Mt Darwin akadonhera mugomba ndokufiramo.
Muchiitiko chinosuwisa zvikuru musi waGumiguru 23 Dorica nemurume wake Simon Maruta vaifamba zvavo mukadzi ndokutsauka pachisango chakanga chiri pedyo kuti azvibetsere.
Achinotsauka akabva awira mugomba rakareba 5meters rakanga rakavharwa nemahuswa nezvimiti.
Dorica wakadaidzira izvo zvakaita kuti murume wake achimbidze kusvika kwaakanga anzwa izwi kuti
aone kuti chii chakanga chawira tsvarakadenga yake.
Achinosvika panzvimbo akawana shura risingaite tsvarakadenga yake yakanga yawira mugomba
rakareba.Simon wakamhanya kunoudza vamwe avo vakazokwanisa kumubatsira kuburitsa mudzimai
wake asi akanga achibuda ropa mumusoro. Izvi zvakavhundutsa vazhinji ndokumumhanyisa kuchipatara cheMt Darwin uko akasvika achinzi akanga atofa kare.
Nyaya yakamhan’arwa kumapurisa eZRP Mt Darwin naSimon mutumbi wemufi uchibva waiswa muMortuary yeMt Darwin.
Vakasanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reMash-Central Assistant Inspector Lucy Chigwenhese vakurudzira veruzhinji kuti vanyatsotarisisa muzvisango zvavanenge vachifamba.Vakurudzira zvekare avo vanochera makomba kuti vasiye vavhara kudzivirira kurasikirwa nehupenyu
Mumwe mukadzi wekuMt Darwin akadonhera mugomba ndokufa
Published on


