More
    HomeProvincial NewspapersMutsvangwa Secondary yowana rubatsiro kubva kuNOIC

    Mutsvangwa Secondary yowana rubatsiro kubva kuNOIC

    Published on

    spot_img

    CHIMANIMANI EAST- Mukubatsira hurongwa hweHurumende hwekuwanisa zvivakwa nedzimba
    dzekufunda, kambani yeNational Oil Infrastructure Company of Zimbabwe (NOIC) yakapa dzimba
    dzekudzidzira ina dzakagadziriswa zvakange zvakaparadzwa neCyclone Idai paMutsvangwa Secondary
    School kuChimanimani.
    Chirongwa chekuvandudza zviwakwa izvi uye 12 500 yemabhuku ekunyorera zvakasvika pamutengo
    wakakwana $136 000.
    Pamusangano wekupa rubatsiro urwu, gurukota rezvemhando dzemoto nekusimudzirwa kwemagetsi,
    Soda Zhemu, vakaombera mutsa wakaitwa neNOIC vachiti unoenderana nezvakataurwa naPresident
    Mnangagwa zvekusasiya munhu uye kusava nenzvimbo dzinosara mukuzadzikisa Vision 2030.
    “Kubva payakavambwa, NOIC yakapinda muzvirongwa zvakawanda zvinotsigira zvirongwa
    zvehurumende mukusimudzira zvivakwa zvakanangana nezvikoro nezvipatara. Rutsigiro rwakaitwa
    kunyanya munharaunda dzakakomborerwa.
    “Chiratidzo chakanaka chekufambisa kuwaniswa kwedzidzo kuvana vari munharaunda dzisina kurongeka
    chinofambirana nekutaura kwemutungamiri wenyika yedu kwekusasiya munhu uye pasina nzvimbo
    kumashure apo tiri kuenda kuChiono cha2030,” vakadaro.
    Vachipa chipo ichi, sachigaro webhodhi reNOIC, Engineer Daniel Mackenzie Ncube vakati ibasa ravo
    kubatsira zvirongwa zveHurumende mukusima mari mudzidzo yenyika.
    “Tichifambirana nedonzvo redu rekudyara mari mudzidzo yerudzi rwedu, takaona Mutsvangwa
    Secondary School sechikoro chakakodzera. Tinotenda kuti ibasa redu semakambani, kunyanya ayo ari
    eHurumende, kubatsira pese patinokwanisa,” vakadaro.

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!