More
    HomeChaminukaNyakunhonga huku yekurasirira okandira mazai

    Nyakunhonga huku yekurasirira okandira mazai

    Published on

    spot_img

    NaHeadrance Viga

    MAZOWE – KUJUMBO Mine kuMazowe kune chishamiso apo Fedrick Zhameni (42) akanhonga huku yekurasirirwa, izvo zvamusiya aakuita zvinoitwa nehuku, zvinosanganisira kukandira mazai, pamwe nekukokoridza pakukosora.

    Nekuda kwedomba renyama murume anonzi Fedrick Zhameni akaita mah-wekwe nehuku nhema, iyo yakange yakarasirirwa pamharadzano dzenzira kwakare kuJumbo Mine ndokubva aitora ndokunobika zvake kumba kwake.

    Nyaya iyi yakaitika musi wa10 Chikunguru uye mushure mesvondo rim-wechete abva mukudya huku yacho, Fedrick Zhameni akatanga kuita ka-chikosoro kakafanana nekukekedzwa pamwe nekukokoridza kwehuku. Kusina kupera mazuva zvekare Fedrick akange akukandira mazai sezviya zvinoitwa nehuku. Zvose izvi hazvina kushamisa murume uyu nokuti akabva aziva kuti chaakange akadya chamuka.

    “Pane huku yaigara munzira vanhu vachiti ndeyekurasirira, ndokubva ndazotora huku yacho ndokudya. Zvino ndapedza kudya ndakabva nda-tanga kuita chikosoro chehuku, uye dzimwe nguva ndichikandira mazai ehu-ku panguva yekuda kuzvibatsira,” akadaro Fedrick Zhameni.

    Pamusoro pekuita zvose izvi, Fedrick Zhameni aakupota achijobora-jobora pasi nemaoko achiita zviya zvinoitwa nehuku kana dzichitsvaga chikafu muvhu.

    “Pandiri pane shanduko huru yaakuitika nekuda kwehuku yanda-kadya, nokuti izvezvi ndakungonhongerera-nhongerera zvokudya zvinenge zvakadonhedzwa pasi,” uku kutaura kwaFedrick. Chiitiko ichi chakatsinhirwa nemukoma waFedrick, uyo anonzi Tauro Zhameni.

    “Ichokwadi, kuti pane mashura akuitika pahama yedu. Murume uyu akanhonga huku yakarasirirwa pamharadzano, saka akupota achikandira mazai ehuku pano nepapo uye aakutokosora kunge huku.

    “Fedrick anogara ega, uye anoita basa rekukorokoza goridhe, saka munhu anozviitira zvinhu zvake ega, asi parizvino aakuda kubetserwa nokuti aakuita zvinoshamisa, izvo zvinoda n’anga.”

    Kusvika parizvino murume uyu afamba kumaporofita mazhinji uye dambudzi-ko rake harisati rapera, uye vemhuri vari kuronga kumuendesa kun’anga asi mari yokuti vafambe ndoisati yawanika.

    Sekuru vaFedrick Zhameni, avo vanonzi Ganizani Zhameni vakati munguva shoma iri kutevera vanenge vaakumbofamba nemurume uyu kuti mashura ari kuitika paari aganhurwe. “Dambudziko remwana tambofamba nezvaro kumaporofita, asi zviri kuramba zvakasimba naizvozvo tiri kuronga kuenda kun’anga kana mari yedu yabatana,” vakadaro VaGanizani Zhameni.

    \Nyaya yemurume uyu yaakungotaurwa nezvayo nevanhu vazhinji apo vaakuti murume uyu akazviparira. “Zvakaitwa naFedrick kuzvisikira moto muziso, nokuti aitoziva kuti huku yaakatora ndokudya yakange iri pamha-radzano,” akadaro Ben Mashoko.

    Mumwezve munhu akataura maringe nenyaya iyi ndiStella Pfura, uyo akati zvakaitwa naFedrick hazvina kunaka nokuti zvamusiya ari mudambudziko.

    Ongororo yakazoitwa neNehanda Guardian inotaridza kuti murume uyu akandira mazai anodarika gumi panguva yaanenge achizvibatsira, uye izvi zvichikonzerwa nehuku yaakadya, iyo yaizviraramira iri pamharadzano dzen-zira.

    Latest articles

    Infrastructure Key Ingredient For Sustainable Development- Mhona

    .  Bulawayo,  (New Ziana) – Infrastructure is a key ingredient for sustainable development, capable...

    Mutodi removed as Budget, Finance and Investment Committee chairperson

    Harare,  (New Ziana) –The National Assembly has removed Bikita South legislator Energy Mutodi as...

    Zim has one local forensic pathologist

    Harare, (New Ziana)-Zimbabwe has only one qualified local forensic pathologist, a situation that presents...

    All set for 2025 Mine Entra, AfriConfex

    Bulawayo, (New Ziana)- All is set for the 2025 editions of the Mining, Engineering,...

    More like this

    Infrastructure Key Ingredient For Sustainable Development- Mhona

    .  Bulawayo,  (New Ziana) – Infrastructure is a key ingredient for sustainable development, capable...

    Mutodi removed as Budget, Finance and Investment Committee chairperson

    Harare,  (New Ziana) –The National Assembly has removed Bikita South legislator Energy Mutodi as...

    Zim has one local forensic pathologist

    Harare, (New Ziana)-Zimbabwe has only one qualified local forensic pathologist, a situation that presents...
    error: Content is protected !!