More
    HomeNehanda GuardianOita mbiri yokupomba nemukadzi mumwe chete iyeye

    Oita mbiri yokupomba nemukadzi mumwe chete iyeye

    Published on

    spot_img

    MUMWE murume anogara kunzvimbo inonzi Sangoramambo munyika yamambo Nyamaropa
    kuMadziwa Mine, kunzvimbo yeShamva, akamiswa pamberi pedare ramambo Nyamaropa mushure
    mekubatwa achipomba nemukadzi waakambobatwa achipombazve naye munguva yapfuura.

    Owen Neka akanzi aripe Tendai Gweshe mombe ina pavakambopinda mudare nenyaya yekubatwa
    arimumba memuridzi achipomba nemukadzi wa Gweshe.
    Musvondo rapfuura aripamberi pedare mupari wemhosva, Neka, akatsika madziro achiramba kuti
    akabatwa kechipiri achipomba nemukadzi waGweshe.
    Neka akachinja mupaka achiti mukadzi waGweshe, uyo anonzi Charity Chinake, ndiye ainge
    amuchaira runhare kuti auye amuzivise kuti murume wake ainge arikuda kumuona asisina pamuviri
    paaive napo apo paifungidzirwa kuti ndepaNeka.
    Izvi zvose zvakapikiswa naGweshe mushure mekuburitsa humbovo wenhumbi dzaainge amutorera
    pavakawanikidzwa vachipomba.
    Zvinonzi musi uyu Gweshe aive akti zete aripamotabeki yake. Gare gare, ndooaakaona chikakra Neka
    chichipfuura.
    Gweshe ndookunyumwa, saka ndokumutevera chikara Neka chisingazivi zvirikuitika kuzosvika asvika
    kumba kwake Gweshe. Ndoopaakumabata akavata nemukadzi wake vachitonakirwa havo.
    Mukadzi waGweshe akabvuma zvese achiti ichokwadi ainge afonera Neka achida kumuudza kuti
    murume wake akanga aramba pamuviri paive napo saka zvaiteva kuti paive pake.
    Saka kuuya kwaakaita Neka ndoopaakati, kana murume woke achiti hapazi pake, zvaivatadzisa
    kurara vese zvekare?
    Ndoo pasina kuziva kuti gava rapinda mumusungo kusvika vazobatwa varibishi kunakirwa havo.
    Mambo Nyamaropa vakaraira vese ava kuti vadzoke kudare musi 27 Zvita apo pachanzwikwa
    zvizhinji nekutongwa kwenyaya iyi.

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!