More
    HomeAgriculturePane fungidziro yokushomeka kwemvura mumwaka wa2023/24

    Pane fungidziro yokushomeka kwemvura mumwaka wa2023/24

    Published on

    spot_img

    SHONA –Maererano nezvakatanga kubuda pamamiriro okunze, munyika yeZIMBABWE munotarisira
    kunaya mvura inotarisirwa kana iri pasi peuwandu hunodiwa, paine dzimwe nzvimbo dziri
    mumatunhu eMidlands neMatabeleland dzichanaya mvura shoma pane inotarisirwa panotanga
    mwaka wekudyara wa2023/24

    Mumashoko akaturwa neBazi rinoona nezveNharaunda, Mamiriro Okunze, Kushanyirwa Pamwe
    noKubatwa Zvakanaka kweVashanyi, rakati nzvimbo zhinji dzeMatabeleland North, dzimwe
    nzvimbo dzeMidlands dzinosanganisira matunhu madiki eGokwe North neSouth, matunhu madiki
    edunhu reMatabeleland South kusvika kuBulilima kuchanaya mvura iri pasi peuwandu hunodiwa
    mumwaka unobata mwedzi waGumiguru,Mbudzi naZvita.

    Kubva mumwedzi waGumiguru kusvika muna Kurume ndipo panotarisirwa kunaya mvura
    yakawanda munzvimbo zhinji dzenyika.

    Bazi rinoona nezveMamiriro Okunze (MSD) rakapa mashoko aya paNational Climate Outlook Forum
    (NACOF), pagungano irovose vane chokuita nezvemamiriro okunze vanokurukura zvinogona
    kukonzerwa nefungidziro yemamiriro ekunze akadai vakanangana nokuita gadziriro
    yezvavanozosangana nazvo.

    Mamiriro emwaka unotanga muna Gumiguru 2023 kusvika Kurume 2024 ndeekuti kubva mumwedzi
    waGumiguru kusvika Zvita (OND) 2023, pachave nemikana yakakura yokuwana mvura inotarisirwa
    ichizoderera zvayo kwemvura munzvimbo zhinji dzenyika kunze kwechikamu chikuru
    cheMatabeleland North, zvikamu zveDunhu reBulawayo, Midlands neMashonaland West izvo
    zvinofungidzirwa kunaya mvura iripasi peinotarisirwa..

    Mwaka wekunaya kwemvura uyu wakakamurwa kuita zvikamu zvina zvidiki zvinoti: Gumiguru
    kusvika Zvita (OND) 2023, Mbudzi kusvika Ndira (NDJ) 2023/24, Zvita kusvika Kukadzi (DJF) 2023/24
    uye Ndira kusvika Kurume 2024 (JFM) mwero weuwandu hwemanairo emvura hunobuda
    pamubatanidzwa wenharaunda yakasarudzika. Fungdziro iyi inofanirwa kushandiswa pamwe chete
    nezvicharamba zvichiburitswa mumamiriro okunze pazuva roga roga , mumazuva matatu uye
    mumazuva gumi. .

    Fungidziro iyi, yakabva kune zvakaonekwa nenyanzvi dzesainzi gwaro iri rakati dzezvemamiriro
    okunze dzinova dzakacherechedza mamiriro enyanza nemhepo zvine chokuita nemamiriro okunze
    muZimbabwe, kusanganisira El Niño-Southern Oscillation (ENSO), iyo iri muchikamu cheEl Niño.

    ENSO inofungidzirwa kuramba iri muchikamu cheEl Niño munguva yemamiriro okunze ari
    kufungidzirwa aya.

    Kune zvakare mukana wakakura wekuve neIndian Ocean Dipole (IOD) pakupera kwaKurume 2024.

    Mvura inotarisirwa zvinoreva mwero wemvura inonaya pachitariswa mwero wepakati nepakati
    wemvura inonaya munzvimbo kwenguva refu, mvura inotarisirwa kusvika kumvura iri pazasi-
    peyakajairika uye mvura inotarisirwa kana kupfuura inotarisirwa imvura inowanikwa mumwero
    wenguva yakareba paine mukana wokupfuura mwero uyu.

    Mvura yakapfuura mwero unotarisirwa zvinoreva kunaya kwemvura iri pamusoro pemwero
    wepakati nepakati wenguva refu uye iri pasi pemwero unotarisirwa imvura iri pasi pemwero
    wepakati nepakati paine mukana wokuva mukati memwero wepakati nepakati wenguva refu.

    “Fungidziro iyi ndeyehuwandu hwekunaya kwemvura mumwaka. Zvisinei, manairo emvura anogona
    kupota achiderera munzvimbo nenguva. Zvingave nehungwaru kuisa matanho mukutanga kwegore
    ekudyara makore okubetseredza kunaya kwemvura panenge mwaka uchitarisirwa kusanaya
    zvakanaka kwemvura munyika yose.

    Avo vane zvigonero zvamadiridziro havafaniri kumirira kuti mvura inaye. Vanogona kudyara chero
    nguva yakafanira kubva zvino, vachicherechedza mudziira unodiwa pakumera kwembesa
    sezvinorairidzwa neAGRITEX,” chakasimbisa chikamu chechinyorwa.

    “Madutu ane mhepomupengo, kusanaya kwemvura kwenguva refu, mafashamo nemadutupengo
    haarambirwe apo mwaka unenge uchifambira mberi saka panoda kusimbaradzwa zvirongwa
    zvekukohwa mvura pamwe nekuichengetedza. Kuvakwa kwemadhamu nekuchera/kuwedzera
    hudzamu hwezvibhorani kuchengetedza nekudzivirirwa kwematoro zvinofanira kuenderera mberi.

    “Mabasa ekurima akadai sekudyara nekuisa feteraiza anofanirwa kutungamirwa nemamiriro ekunze
    anopiwa mufungidziro dzemazuva gumi pamwe nemazano anobva kune vanoziva nezvekurima.”

    Mamiriro ekunze omusi umwe noumwe neruzivo rwemamiriro ekunze rwakakosha kumapazi ose
    mukusimudzira magariro nehupfumi, kunyanya sezvo nyika iri kushandira kuti isvike padanho
    renyika repamusoro nepakati nepakati pahupfumi panosvika gore ra2030.

    Nyaya iyi yakaturikirwa Kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
    Language Institute.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!